Covid-19: Ngatirambei takangwarira

05 Jan, 2022 - 09:01 0 Views
Covid-19: Ngatirambei takangwarira Dr Mangwiro

Kwayedza

Mukudzei Chingwere
ZVIZVARWA zvemuZimbabwe zvakawanda zvakatevedzera matanho ekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19 panguva yezororo reKirisimasi neGoredzva, kunyangwe zvazvo kuine vamwe vasina kuita zvinotarisirwa.
Hurumende nenyanzvi dzezveutano pari zvino vanoda kuti munhu wose azvidzivirire kubva kudenda iri pamwe nekubaiwa nhomba yeCovid-19.
Mutevedzeri wegurukota rebazi reutano nekurerwa kwevana, Dr John Mangwiro, vanoti kunyangwe zvazvo kuine vamwe vasiri kutevedzera matanho ekurwisa chirwere cheCovid-19, vakawanda vari kuita zvakanaka ndokukurudzira veruzhinji kuti varambe vakangwarira panyaya yekuzvidzivirira kudenda iri.
“Basa guru iye zvino nderekuti vanhu vabaiwe pasi pechirongwa chekubaya nhomba pamwe chete nekutevedzera matanho aripo akadai sekusaita chitsokotsoko nekushambidzika nguva dzose.
“Vanhu vemuZimbabwe vari kuita zvakanaka kuburikidza nekutevedzera matanho akatarwa. Chikumbiro chedu ndechekuti munhu wose arambe achitevedzera matanho aya pamwe nemazano anopihwa nenyanzvi dzezveutano,” vanodaro Dr Mangwiro.
Vanoenderera mberi vachiti, “Pari zvino tinokurudzira wose anokodzera kubaiwa nhomba kuti abaiwe senzira yekuzvidzivirira kubva kudenda iri. Kana ukabatwa nechirwere ichi wakabaiwa, ongororo yakaitwa inotaridza kuti unenge uine mukana wakakura wekukunda hutachiona uhu saka yambiro ndeyekuti baiwa nekuti mushonga wacho uripo. Hapana anofanirwa kusara kumashure uye vanhu vari kubaiwa nhomba pachena.”
Mumiriri wesangano reWorld Health Organisation (WHO) muZimbabwe, Dr Alex Gasasira, vanoti zvakakosha kuti veruzhinji varambe vachizvidzivirira kubva kuchirwere cheCovid-19.
“Tinofanirwa kuramba tichitevedzera matanho ose ekuzvidzivirira. Zvisinei, apo huwandu hwevanobatwa nechirwere ichi hunotanga kudzikira, vanhu vanobva vatangawo kuvarairwa, vachikanganwa kutevedzera matanho aya. Ino ndiyo nguva yekuti tishande zvakapetwa kaviri nechinangwa chekudzivirira kupararira kwedenda iri munharaunda,” vanodaro Dr Gasasira.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey