Covid-19: Sadunhu oripisa mbudzi kana huku

03 Jun, 2020 - 16:06 0 Views
Covid-19: Sadunhu oripisa mbudzi kana huku Sadunhu Gwindi

Kwayedza

Kingstone Mapupu

SADUNHU Gwindi vekwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, vanoti nechinangwa chekusimbisa chirongwa chekurwisa kupararira kweCovid-19, vari kuronga kudzika murawo wekuripisa nehuku kana mbudzi vose vachabatwa nemachinda avo vasingatevedze mitemo yeHurumende yakananga kumisa chirwere chanetsa pasi rose ichi.

Kusvika nemusi weChipiri svondo rino, muZimbabwe manga mava nevanhu 206 avo vawanikwa vaine Covid-19 mushure mekuvhenekwa.

VaMick Guwa – vanova Sadunhu Gwindi – vanoti ivo seziso reHurumende, vari kuedza nepose pavanogona kuona kuti mitemo yose yakadzikwa nenyika nechinangwa chekurwisa chirwere ichi yatevedzwa.

“Pane zvakawanda zviri kuitwa kuti hutachiona hweCovid-19 husapararire zvakanyanya. Ini sasadunhu, ndiri kufamba ndichiona zviri kuitika – zvikuru pakaitika rufu – ndichikurudzira vanhu kuti vasaungane, vasabatane maoko nekuti vagare vakapfeka mamasiki, vachigezawo maoko avo nemvura inochururuka,” vanodaro sadunhu ava.

Vanoti kwese kwaitika rufu munharaunda yavo, vanototuma nhume kana ivo vatadza kuenda.

“Chionai kukwira kuri kuita denda iri munyika, zvave kuda kushanda pamwe chete neHurumende kuti tikunde chirwere ichi. Tiri kugara pasi nemakurokota angu tichinzvera mimwe yemirawo yatingadzika yakaita sekuti munhu akaonekwa asina kupfeka masiki, anofanirwa kuripiswa mbudzi kana huku,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Imwe nyaya yatiri kuita kutsvaga vose vaenzi mudunhu rangu toziva kuti vakabvepi. Kana vari vana vemuno vasipo tiri kuitawo register revana ivava vari kunze kwenyika, mungava muno muAfrica kana mhiri kwemakungwa.

“Tikazoona vauya hazvichatinetsa, tinobva taita kuti Hurumende izive voendeswa kumaquarantine centres uye kana vakatiza vonodzoserwa vonoongororwa,” vanodaro Sadunhu Gwindi.

Vanotiwo uyu mutemo wavakatoisa kumasabhuku avo kuti vabvunze vanhu vavo vose kuti pane ane hama iri kunze here, ozivikanwa zita rake nekunyika kwaari.

“Masabhuku ose emuno ari 40 vava kuziva nyaya iyi sezvo ndakaita navo misangano tikaita chisungo ichi.”

Sadunhu Gwindi vanotendawo sangano reCreating Better Futures (CBF) nekubatsira kwariri kuita nekupa chikafu vana vechikoro vagere kudzimba panguva ino apo zvikoro zvisati zvavhurwa.

“Ndinotenda CDF nekuendesa vana vedu vane vabereki vanoshaya kuchikoro uyewo nekuvapa chikafu, bota nemahewu. Mai Beverley Matondo vanova muvambi wesangano iri nemumwe wavo ari kumhiri kwemakungwa tinovatenda,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links