Covid-19: ‘Siyanai nerusarura’

24 Jun, 2020 - 02:06 0 Views
Covid-19: ‘Siyanai nerusarura’

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

VERUZHINJI vokurudzirwa kuti vasasarure vanhu vanenge vavhenekwa ndokuwanikwa vaine hutachiona hwecoronavirus kana chirwere cheCovid-19.

Vachitaura pamusangano wavakaita nevatori venhau, Dr Vonai Chimhamhiwa avo vanoona nezveutano hweveruzhinji (Public Health Physician) kuZimbabwe College of Public Health vanoti nyaya dzerusarura kuvanhu vane Covid-19 dzinofanira kupera.

“Munyika muno tatova nedambudziko guru rekusemwa uye kusarurwa kwevanhu vanenge vanzi vane chirwere cheCovid-19 kana vanofungirwa kuti vanacho. Tiri kuona kunyangwe munhau apo panonzi nyaya zhinji dzeCovid-19 dziri kupinda munyika muno kuburikidza nevanhu vanobva kunyika dzakadai seSouth Africa, Britain neBotswana. Kupihwa mazita kwevanhu uku kwava kuita sekuti munhu wose anobva kunyika idzi ane chirwere ichi,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Kunyangwe kuvhenekwa kunoitwa chirwere ichi kuvashandi mumabasa, vamwe vanopedzisira vave kudura nemazita kuti nhingi nanhingi vanacho zvinova zvinodzikisira munhu muraramo yake nekupa marwadzo mupfungwa.

“Kuita kwakadai kutyorawo kodzero dzemushandi. Kana munhu iyeye akazoti anaya ava kudzoka kubasa, anotambirwa here zvakanaka uye anozofara here kushanda nevamwe sezvaaisiita asati anzi ane Covid-19? Saka imhosva huru kusarudza vanhu vanorwara kana nechimwe chirwere chisiri Covid-19.”

Vanoti vanhu vari munharaunda nemapoka ose – kusanganisira vana, vakwegura, nevakaremara – vanofanirwa kuwaniswa ruzivo rwuzere pamusoro peCovid-19 kuti vakwanise kuzvichengetedza.

“Kune vanhu vakawanda vanobatwa nechirwere ichi vasina zviratidzo zvekurwara, asi chikwata chevanhu vashoma ndivo vanogona kusangana nezvigozhero,” vanodaro.

Vanotizve panguva iyo nyika dziri kurwisa Covid-19, zvakakosha kuti zvimwe zvirongwa zvinobatsira raramo yevanhu zvirambe zvichienderera mberi.

“Hongu, tiri kuona kuti vamwe vana vari kukundikana kubaiwa majekiseni avo kana kuenda kusikero nekuda kwekuti pane pfungwa yekuti nyika iri kurwisana neCovid-19. Madzimai nevanasikana vanoda mishonga yekurera mhuri kana kurapwa zvimwe zvirwere, saka rubatsiro urwu rwunofanira kuvapo nenguva nekuti tiri kunzwa kuti vamwe vari kukundikana kubatsirwa nekushaya chekufambisa kana matsamba anodiwa kuti vaende kuzvipatara zvikuru izvo zvisiri munharaunda dzavo,” vanodaro.

Vanotiwo zvakakosha kuti varapi vawaniswe zvekushandisa zvakakwana nechinangwa chekuti vasatapurirwe Covid-19.

“Varapi vese vanofanira kuwaniswa midziyo yedziviriro kubva kuchirwere cheCovid-19 semagirovhosi, magirazi, mbatya dzinovhara muviri nezvimwe kuti vachengetedzeke,” vanodaro.

Pari zvino, Zimbabwe yava nevanhu 512 vavhenekwa ndokuwanikwa vaine Covid-19 uye pahuwandu uhu, 64 vakanaya asi vamwe vatanhatu vakafa.

Share This:

Sponsored Links