Uncategorized

Covid-19: ‘Tevedzerai zvinotaurwa’

27 Mar, 2020 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
VERUZHINJI vanoti nyaya yekuita hutsanana inofanirwa kukosheswa zvikuru nemunhu wose senzira yekurwisa kupararira kweCoronavirus kana kuti Covid-19 iyo kusvika pari zvino yauraya munhu mumwe chete muZimbabwe.

Kwayedza inoita hurukuro neveruzhinji avo vanopa mafungiro avo pamusoro penyaya yechirwere ichi.

VaRaj Kalidas vanoti Coronavirus yaipisisa zvikuru.

“Zvakakosha kuti tigare takazvichengetedza kuburikidza nekufamba tiine sipo yekugeza maoko. Dambudziko guru nderekuti sanitizer yacho yava kushaikwa muzvitoro. Sanitizer yangosarira iri mumafamasi mashoma umo iri kudhura. Kana iwo ma”mask” acho ari kudhuriswa zvekuti hatichaakwanisa.

“Daiwo zvaibvira mabhodha nenhandare dzendege zvambovharwa asi nekuda kwekuti upfumi hwenyika yedu huchakaderera, vanhu vanofa nenzara uye tinorasikirwa nemabhizimusi. Saka kushambidzika ndiyo bedzi nzira inoita kuti tikunde pahondo yeCoronavirus,” vanodaro.

Mai Magaret Ndira vanogara kuEast View, muguta reHarare, vanoti vanhu ngavambomira kushanya kunyika dzine chirwere ichi.

“Utsanana hwakakosha nguva dzose uye vaya vanosvipira pose-pose ngavabva vazvirega. Ndapota ngatimbomirai kushanya kune dzimwe nyika chero zvikaoma sei, nekuti chirwere ichi chinouraya.

“Zvinoita here kuti pazuva tirasikirwe nevanhu 500 nekuda kwechinhu chinogona kudziviririka? Kana zvichigona mabhodha acho anombovharwa sezvakaitwa nedzimwe nyika nekuti upenhu hunokosha,” vanodaro.

Pastor Joseph Rumano vanotiwo: “Mwari ndivo vanoziva kwakabva chirwere ichi uye ndivo vanokwanisa kuchipedza bedzi.”

Monisa Chikumbindi anoti zvakanaka kuti mabhodha ambovharwa senzira yekudzivirira kupararira kweCoronavirus.

Nemusi weMuvhuro uno, President Mnangagwa vakazivisa nezvemamwe matanho matsva ari kutorwa neZimbabwe senzira yekusimbaradza zvirongwa zvekudzivirira nekurwisa Covid-19 ayo anobatawo nzvimbo dzekupinda nekubuda nadzo muno.

VaAaron Karichi vanoti pamabhodha ngapaitwe basa sebasa rekuvheneka vashanyi nekuti ndipo pane mikana mikuru yekupinda nechirwere.

“Vashandi vepamabhodha nepanosvikira ndege ngavawaniswe zvekushandisa zvakakwana nekuti vanogona kutapurirwa kana kutapurira vashanyi. Michina yekuvheneka Coronavirus ngaiwanikwe muzvipatara zvose,” vanodaro.

Coronavirus yakaziviswa nesangano reWorld Health Organisation (WHO) sedambudziko guru pasi rose (Global Pandemic) iro rava kuda mushandirapamwe wenyika dzose kuti rideredzwe kana kupedzwa.

Chirwere ichi chakatanga kuonekwa kunyika yeChina chikazotekeshera kune dzimwe nyika dzinosanganisira Zimbabwe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>