COVID-19: TINE MUKANA

27 Mar, 2020 - 00:03 0 Views
COVID-19: TINE MUKANA Xolisani Gwesela

Kwayedza

Abel Ndooka
VATSIGIRI venhabvu vanoti Zimbabwe inofanirwa kutora mukana wekumiswa kwakaitwa mitambo mizhinji nekuda kwechirwere checoronavirus kugadzirisa nhandare dzenhabvu zvichitevera danho rakatorwa nesangano rinotungamira nhabvu yemuAfrica reConfederation of African Football (CAF) rekuti munyika muno hamuna nhandare yakakodzera kutambirwa mutambo uyu.

Nguva pfupi yadarika, CAF yakazivisa sangano reZimbabwe Football Association kuti munyika muno hamuna nhandare inokodzera kutambirwa mitambo mikuru izvo zvakakatyamadza nyika yese.

Izvi zvakaita kuti Zifa itange kutsvaga dzimwe nhandare kunze kwenyika kwaizotambirwa mutambo wechikwata chenyika chemaWarriors neAlgeria mumutambo wekurwira tikiti rekuenda kumakwikwi eAfrica Cup of Nations achaitirwa kuCameroon gore rinotevera.

Zvisinei, mitambo yose yakambomiswa pasi rose nekuda kwecoronavirus iyo yatekeshere kunyika dzakawanda.

Mutungamiri wesangano reFriends of the Warriors, Edward Chimedza anoti uya mukana wakapihwa Zimbabwe kuti igadzirise nyaya dzenhandare dzenhabvu.

“Zifa ngairongeke, uyu mukana wauya kwavari kuti vagadzirise imba yavo. Isu sevatsigiri venhabvu tinoda kuona chikwata chedu chichitamba nhabvu muno kwete kukwira ndege kuenda kune imwe nyika. Hongu, coronavirus iyi haina kumira mushe asi ndiwo mukana wauya kuti hutungamiri hwemitambo yemuno hugadzirise nyaya dzenhandare,” anodaro.

Imwe shasha pakutsigira nhabvu, Hubert Manyowa, anotungamira chikwata cheCUMA Academy chekuKadoma anoti nhandare dzinofanirwa kugadziriswa nekuti zvinoshoresa nyika kuti zvinzi hapana nhandare yakakodzera kutambirwa nhabvu.

“Uyu ndiwo mukana wekugadzirisa nyaya dzese manje nekuti hatinganzi tiri kutambira pamba pedu isu tichitambira kune imwe nyika.

“Kana mari dzinobuda pagedhi dziye, shuwa tongosiira imwe nyika isu mari iyoyo ichifanirwa kunge ichipinda muhomwe dzedu senyika? Saka Zifa ngaitoshandisa mukana uyu kugadzirisa nyaya dzose iunze nhabvu kuzvizvarwa zveZimbabwe,” anodaro Manyowa.

Mutauriri weZifa, Xolisani Gwesela, anoti Hurumende ndiyo iri kuona nyaya dzekuvandudzwa kwenhandare dzemuno.

Anoti vari kushanda kuvandudza nhandare idzi vanofanirwa kushanda nesimba kuti dzisvike padanho rinotenderwa neCAF.

“Hurumende ndiyo iri kuona nezvekuvandudzwa kwenhandare dzedu dzemuno uye tinopa kurudziro kuti vari kushanda ngavaite basa sebasa nekuti tichashevedza CAF zvekare kuti vagoongorora nhandare dzedu kuti dzave kuita here.

“Coronavirus iyi yamisa mitambo yese saka vari kuita basa ngavaite nekukasika uye nemazvo kuti zvitibatsirewo tishevedze veCAF vagouya kuzotarisa kuti nhandare dzedu dzave kuita here,” anodaro Gwesela.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey