Covid-19: ‘Tisarare nezamu mukanwa’

14 May, 2020 - 01:05 0 Views
Covid-19: ‘Tisarare nezamu mukanwa’ Dr Alex Gasasira

Kwayedza

Tandayi Motsi

HURUMENDE inoti zvakakosha kuti veruzhinji varambe vachitevedzera matanho akatarwa mukurwisa kupararira kweCovid-19, zvisinei nekuti pari zvino kune vanhu vashoma vabatwa vaine chirwere ichi muZimbabwe.

Mashoko aya akataurwa negurukota rinoona nezvekuburitswa kwemashoko Cde Monica Mutsvangwa nemusi weChipiri chino kuvatori venhau muguta reHarare mushure mekupera kwemusangano wedare reCabinet.

MuZimbabwe kusvika nemusi weChipiri mange mava nevanhu 37 vawanikwa vaine Covid-19 mushure mekuvhenekwa. Pavanhu ivava, vana (4) vavo vakafa kuchiti vamwe 12 vapona.

Covid-19 chirwere chakaipisisa icho chinokonzerwa nehutachiona hunodaidzwa kuti coronavirus uye chinotapuriranwa nyore.

Cde Mutsvangwa vanoti dare reCabinet rakagashira gwaro riri pamusoro pematanho ari kutorwa mukurwisa kupararira kweCovid-19 iro rakaturwa nemutevedzeri wemutungamiri wenyika Vice President Kembo Mohadi avo vanovazve sachigaro wekomiti iri kutungamirira kurwiswa kwechirwere ichi (Chairman of the Ad-Hoc Inter-Ministerial Task Force on COVID-19).

Vanoti Cabinet yakaona kuwanda kuri kuita vanhu vari kuvhenekwa Covid-19 kubva pa13 329 nemusi wa5 Chivabvu kusvika pa23 096 nemusi wa10 Chivabvu.

“Hurumende inoramba iine tarisiro yekuti vanhu vashoma vafa pamwe chete nevabatwa nechirwere ichi zvinoramba zvakadaro. Nyika haifanire kurivara nekuda kwevanhu vashoma vabatwa nechirwere ichi, asi kuramba yakabatana zvine chinangwa izvo zvaratidzwa kusvika pari zvino,” vanodaro Cde Mutsvagwa.

Cde Mutsvangwa

Dare reCabinet, vanodaro, rinoziva kuti pari zvino hakusati kwave nejekiseni kana mushonga unorapa Covid-19 nekudaro zvombo zvikuru kudzivirira kupararira kwedenda iri. Nekuda kwaizvozvo, vanhu vose vanokurudzirwa kuti vapfeke mamasiki zvakanaka, vaite hutsanana nguva dzose uye nekutora mamwe matanho ekudzivirira kupararira kwechirwere ichi.

Zvichakadai, sangano rinoona nezveutano pasi rose, reWorld Health Organisation (WHO) rinoti Zimbabwe haifanirwe kurivara zvichitevera kushomeka kwevanhu vabatwa vaine Covid-19 kusvika pari zvino, asi kuti inofanirwa kuramba ichisimbaradza matanho ekurwisa kupararira kwechirwere ichi.

Mumuririri weWHO muZimbabwe, Dr Alex Gasasira, vanoti Covid-19 inotekeshera nekukasika uye nenguva duku nekudaro Hurumende inofanirwa kuramba yakamira nesimba mukurwisa denda iri.

“Kurudziro yedu seWHO ndeyekuti panofanirwa kuramba pachiitwa ongororo. Ngatiregei kurivara nekuda kwekushomeka kwevanhu vabatwa vaine chirwere ichi kana kuti vari kuonekwa vasina hutachiona. Tinoziva kuti ichi chirwere chinopararira nekukasika, saka kana tiine munhu aonekwa kuti anacho, tinofanirwa kuramba takangwarira zvikuru.

“Nyaya yekuti hatina vanhu vakawanda vati vabatwa nechirwere ichi handicho chikonzero chingaite kuti tirivare,” vanodaro Dr Gasasira.

Vanoti kunyangwe zvavo paine chikwata chenyanzvi chiri pakati pekuongorora kubatsira kwematanho akatorwa neHurumende mukurwisa kupararira kweCovid-19 kubva munaKubvumbi, WHO ine idi rekuti matanho aya ari kubatsira zvikuru.

“Tinoziva kubva kuumboo huri kupihwa nechikwata ichi kuti matanho ekuti vanhu vagare kudzimba, vasangofamba zvisina tsarukano senzira yekudzivirira kutapurirana chirwere ichi anoshanda uye ndinoziva kuti pari zvino chikwata ichi chiri mushishi kuita ongororo. Asi, maonero edu seWHO ndeekuti danho rekuti vanhu vagare kudzimba riri kubatsira zvikuru kuti vakawanda vasabatwa nechirwere ichi uye nekuti Covid-19 isanyanye kupararira,” vanodaro Dr Gasasira.

Vanoti Hurumende isati yabvisa matanho aya, zvakakosha kuti itange yaita ongororo pamusoro pekukwanisa kwayo kuvheneka vanhu chirwere ichi, kupatsanura vanacho nevasina uye kuona kuti vamwe vanhu vakambosangana nevanenge vabatwa vaine coronavirus ndevapi.

Dr Gasasira vanoti kusvika pari zvino, WHO iri kufadzwa nematanho ari kutorwa neHurumende mukurwisa Covid-19 ayo anosanganisira kuwanda kwemizinda yekuvheneka vanhu coronavirus.

Vanotizve Zimbabwe inofanirwa kutora matanho ane umboo hunoonekwa apo yave kusvika pakupera kwechikamu chechipiri chekuti vanhu vasafambe zvisina tsarukano (Level 2 lockdown).

“Zvakakosha kuti kana huwandu hwevanhu vanenge vobatwa nechirwere ichi hukakwira nyika inofanirwa kukwanisa kuzviona, kuitira kuti vanenge vabatwa neutachiona vaiswe kwavo voga senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere ichi uye kuti vanhu vose vakambosangana neanenge aonekwa aine hutachiona vakwanise kuzivikanwa, vogoongororwa mukati memazuva 14.

“Izvi zvinoita kuti Zimbabwe isazosangana netsekwende yekuti apo matanho elockdown anenge arerutswa, pozonyuka nyaya dzakawanda dzevanhu vanobatwa nechiwere ichi sezvo zvichizoita kuti kudzivirira kupararira kwacho kunetse zvikuru,” vanodaro Dr Gasasira.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey