Covid-19: Vanhu varivara

17 May, 2021 - 15:05 0 Views
Covid-19: Vanhu varivara Huwandu hwevanhu vari kuwanikwa vaine chirwere cheCovid-19 kana vari kufa huri kuramba huchidzikira nekuda kwematanho akasimba ari kutorwa neHurumende ekurwisa kupararira kwechirwere ichi.

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
VANHU vazhinji vanotaridza kuti havasisina hanya nekutevedzera mitemo yakatarwa neHurumende pamwe nesangano reWorld Health Organisation (WHO) yekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 sezvo vasisiri kupfeka mamasiki uye kungoungana zvisina tsarukano.
Kwayedza nemusi weChishanu yakaita ongororo muguta reHarare neChitungwiza ndokuona vanhu vakawanda vasina kupfeka mamasiki apo vaive panzvimbo dzakasiyana uye vamwe ndivo vaifamba vakaarembedza muhuro.
Vamwe vaionekwa vakaungana zvakare munzvimbo dzinosanganisira zviteshi zvinokwirirwa mabhazi.
Asi, mutevedzeri wemutungamiriri wenyika, Vice President Constantino Chiwenga, avo vanove zvakare gurukota rebazi rezveutano nekurerwa kwevana, vari kuyambira veruzhinji nguva nenguva kuti vatevedzere matanho ose akatarwa ekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19.
 VP Chiwenga vanoti Zimbabwe haisati yabuda munjodzi yekupararira kwechirwere cheCovid-19, icho chiri kukurumbira kunyika dzinosanganisira India neBrazil.
Primrose Garimoto wekuUnit 0, kuChitungwiza anoti vanhu vakawanda havachina kana hanya nekupfeka mamasiki.
“Vanhu vava kungopfeka mamasiki kazhinji kacho kana vachida kupinda mudhorobha reHarare sezvo vachiziva kuti ndiko kwakawanda mapurisa asi kana kuri kuno kumarukisheni rangova beswana pasina kupfeka mamasiki. Pamwe vanhu vava kuratidza kuneta nekuramba vachiapfeka saka ndinongokurudzira kuti dai tangoramba tichiapfeka kusvika chirwere ichi chazopera nekuti chinouraya uye nekuti vanhu vakawanda vaendewo kunobaiwa majekiseni ekudzivirira chirwere ichi,” anodaro.
Anoti kumakereke nekumisika inotengeswa zvirimwa nembatya yakadai seChikwanha neJambanja kuChitungwiza uye nekuMbare, vanhu vari kuungana nehuwandu hwavo vasina kupfeka mamasiki zvakanaka.
 Mashoko ake anotsinhirwa naSekuru Peter Maponda vanove murapi wechivanhu vachiti veruzhinji vavarairwa panyaya yekuzvidzivirira kubva kuchirwere cheCovid-19.
“Mamasiki ndiwo mamwe asisiri kupfekwa zvachose munharaunda nemuzvikoro chaimo nekuti tiri kuongoona vana vachitofamba vachiita nyaya dzavo vasina kuapfeka. Ndinokurudzira kuti munhu angofamba nemamasiki maviri kuitira kuti kana imwe ikarasika, zvikuru kuvana vechikoro, anokwanisa kupfeka imwe,” vanodaro.
Takunda Chenjerai wekuGlen View 3, muHarare anoti zvakakosha kuti vanhu varambe vachitevedzera mitemo yakatarwa yekurwisa denda iri.
“Covid-19 chirwere chitsva chichiri kuitwa ongororo yekuti chionekwe kuti chingapedzwa neyi nokudaro zvakakosha kutevedza matanho ari kutorwa neveutano kuti chiderere. Kupfeka mamasiki akachena, kuregedza kuungana nekugeza maoko kwakakosha. Kumachechi nekumisangano kuri kuwanda vanhu zvikuru zvinopa mikana yekutapurirana saka tinokurudzira kuti mapurisa aite basa ravo nemazvo,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links