Uncategorized

Covid-19 yakanganisa vanorarama nehurema

10 Oct, 2020 - 00:10 0 Views
Covid-19 yakanganisa  vanorarama nehurema

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
SANGANO rinorwira kodzero dzemadzimai ane vana vakaremara, reZimbabwe Parents of Handicapped Children Association (ZPHCA) rakatanga chirongwa chekuvabatsira nekuita mabhindauko anosanganisira kuvandudza zvirimwa vachigadzira zvakasiyana panguva ino nyika yakatarisana nechirwere cheCovid-19.

Theresa Makwara, uyo anova murongi kusangano iri, anoti vana vakaremara vari kunetseka zvikuru zvichitevera kuuya kwechirwere ichi.

“Tine madzimai vatiri kushanda navo mumabhindauko akaita sekurima muriwo, kuchengeta huku, kufusha miriwo, michero nematomatisi vachitengesa pamwe nekuzozvishandisa munguva yekuomerwa. Sezvatiri kuona kuti nyaya dzekusanduka kwemamiriro ekunze dziriko, tinoda kuti madzimai aite mabhindauko anoita kuti vaenderere mberi neupenyu,” anodaro.

Makwara anoenderera mberi: “Tine madzimai anogadzira jamu rinobva mumasawu vachitengesa uye vamwe ndivo vanosvina matomatisi ekutengesa. Saka raramo yavo inoenderera mberi nechirongwa chedu cheClimate Change Resillience Building.”

Anoti vari kutsigira madzimai aya nekuvapa zvekushandisa uye mari yezvikwereti.

“Tinovatsigira nembeu dzemuriwo, fetiraiza, michina yekudiridzisa nemishonga yekufirita zvirimwa zvavo. Tinobatsira zvakare nemari dzinozotenderera mumikando yavanoita yeWomen’s Internal Saving and Credit Scheme kana kuti Revolving Fund,” anodaro Makwara.

Madzimai ari mumabhindauko aya ari kunzvimbo dzinosanganisira Chitungwiza, Epworth neDomboshava.

“Ini ndine mwana akaremara ane makore 28 okuzvarwa uyo anopfeka minapukeni zuva nezuva pamwe nekumugeza zvisinei nezera rake. Ndiri kurima miriwo, maruva, kuchengeta huku pamwe nekusona mamasiki zvinova zvinondibatsira kuti ndiriritire mhuri yangu uye kubhadhara vashandi. Chirwere cheCovid-19 chakatisiya tiri panguva yakaoma,” mumwe wavo vanodaro.

Mai Bridget Mandizha vanova muvambi wesangano reThe Shelter and Homage Trust vanoti nhamo nehurombo zvinokwanisa bedzi kudzingwa muvanhu kuburikidza nekuvawaniswa mabhindauko anovapundutsa.

Vanoti kutengesa zvirimwa padandemutande kwakakosha zvikuru munguva ino yeCovid-19 nekuti zvinoderedza mikana yekupararira kwezvirwere.

VaSibanda Zenzo vanova medical rehabilitation technician kusangano reTose Respite Care Centre vanoti muzinda wavo unoona nezvevana vakaremara vachivawanisa dzidzo nemitambo yekusimbisa muviri.

“Tine vana vanodarika 45 vakaremara nenzira dzakasiyana nokudaro munguva ino yeCovid-19 tiri kuvawanisa zvekushandisa vari kudzimba kuti vadzivirire chirwere cheCovid-19. Hatisati tava kuziva kuti tichavhura chikoro chedu rinhi zvichitevera chirwere cheCovid-19 nekuti vana vedu vari nyore kubatira zvirwere,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey