Covid-19 yandidzosera kumashure: Jongwe

24 Dec, 2021 - 15:12 0 Views
Covid-19 yandidzosera kumashure: Jongwe

Kwayedza

Abel Ndooka

SHANGWITI yemujaho wewiricheya ichiri kusimukira, Stella Jongwe, anoti hurongwa hwake hwekuti agonokwikwidza kunze kwenyika hwakakanganiswa zvikuru nekuuya kwakaita denda reCovid-19.

Jongwe akaita mukurumbira apo akahwina menduru yegoridhe kumutambo weOuteniqua Wheelchair Challenge uyo unoitirwa kuSouth Africa gore rega-rega.

Anoti ange achitarisira kuenda kunokwikwidza kune dzimwe nyika dzakaita seAmerica kumujaho weBoston Marathon asi hurongwa uhu akatombohusendeka padivi nekuda kweCovid-19.

“Covid-19 yandidzosera kumashure zvikuru, hurongwa hwese hwandaive naho ndakatosendeka padivi nekuti mitambo yakambomiswa uye kufamba kuenda kune dzimwe nyika kwange kwave kusatenderwa nekuda kwechirwere ichi.

“Saka zvakandidzorera kumashure nekuti kutaura kuno ndingadai ndatove pane chimwe chidanho chepamusoro. Ndakangozvitambira hangu kuti ndozviripo nekuti takawanda takakanganiswa nedenda iri. Saka zvakakosha kuti tirambe tichitevedzera matanho ekurwisa kupararira kwaro kuti tigare takachengetedzeka,” anodaro Jongwe.

Zvisinei, anoti haana kurasa tariro sezvo ane hurongwa hwekuti gore ra2022 agoshanda nesimba akwanise kuenda kunokwikwidza kunze kwenyika.

“Shuviro yangu ndeyekuti gore rinotevera 2022 zvinhu zvinge zvagadzirika isu tidzokere kunokwikwidza mitambo yedu yatinoda chaizvo.

“Ini ndinoda zvikuru kusimudza mureza wenyika yangu kune dzimwe nyika, saka ndinoshuvira kuti gore rinotevera kana zvakanaka ndigoenda kunokwikwidzawo kunze,” anodaro Jongwe.

Share This:

Sponsored Links