Covid-19 yanyuka muzvikwata zvePSL

03 Dec, 2021 - 11:12 0 Views
Covid-19 yanyuka muzvikwata zvePSL Kudzai Bare

Kwayedza

Abel Ndooka

PREMIER Soccer League yazivisa kuti Covid-19 yanyuka muzvimwe zvikwata zvayo.

Muchinyorwa chabva kumutauriri wePSL, Kudzai Bare, anoti vagashira mashoko anoti chirwere ichi chanyuka muzvikwata zvakasiyana naizvozvo vari kushanda nemachiremba kuti vagodzivirira kupararira kwacho.

“Tagashira mashoko anoti denda reCovid-19 ranyuka muzvikwata zvedu.

“Kutaura kuno tiri kushanda nenyanzvi dzezveutano nekomiti PSL Sport Medicine nemamwe mapoka kuedza kuona kuti tadzivirira kupararira kwedenda iri.

“Tinokurudzira zvikwata zvose kuti zvitevedzere matanho ose ane chekuita nekudzivirira kupararira kwedenda iri,” anodaro Bare.

Zvakawanda zviri kutevera.

Share This:

Sponsored Links