Uncategorized

Covid-19 yaondonga kurimwa kwemaruva

21 Nov, 2020 - 00:11 0 Views
Covid-19 yaondonga kurimwa kwemaruva Dr Evelyn Ndlovu

Kwayedza

Munyori weKwayedza
KUNYUKA kechipiri kwechirwere cheCovid-19 kuEurope kunonzi kwaona nyika dzakawanda dziri kudunhu iri dzichidzokera padanho rekutanga (lockdown) rekurwisa denda iri izvo zvakanganisa zvakanyanya varimi vemuZimbabwe vari muchikamu chekuita zvemaruva.

Mashoko aya akataurwa negurukota remumahofisi emutevedzeri wemutungamiriri wenyika Vice President Constantino Chiwenga, Dr Evelyn Ndlovu, nemusi weChipiri apo vaimema purazi reLingfield Horticulture Farm, kuGweru.

“Tamema purazi rinorimwa maruva uye zvataona pano chiratidzo chekuti vanhu vedu vanokwanisa kushandisa ivhu zvakanaka,” vanodaro.

Dr Ndlovu vanoenderera mberi vachiti, “Zvisinei, tadzidza kuti coronavirus yakanganisawo varimi vedu nekuda kwekudzikira kwaita nyaya dzemisika. Uku kudzoserwa kumashure asi basa guru riri kuitwa papurazi rino chiratidzo chekuti sezvivarwa zveZimbabwe, tinokwanisa kushandisa ivhu redu nemazvo.”

Dr Ndlovu vanokurudzira vari muchikamu chekurima maruva nemichero kuti vapewo ruzivo nehunyanzvi kune vamwe varimi pamwe chete nekuvadzidzi vezvekurima nechinangwa chekuti chikamu ichi chisimukire.

“Coronavirus yatidzosera kumashure asi tinoda kuti varimi vakawanda vapinde muchikamu ichi,” vanodaro.

“Tinofanirwa kushanda pamwe chete uye topa vamwe ruzivo kuitira kuti senyika tibudirire.”

VaTatenda Karimazondo, avo vanova operations director weLingfield Farm, vanoti vari kutsvaga mimwe misika yekutengesera maruva avo kuEurope nekuMiddle East.

Zvichitevera kuvharwa kwakaitwa misika yakawanda yaitengeserwa maruva neLingfield kuEurope nekuda kweCovid-19, purazi iri rarasikirwa nezviuru zvemari yekunze izvo zvaona richirasa zvakare mamwe maruva asvika pakukohwewa.

“Tine vari kuda maruva edu kuEngland neGermany,” vanodaro VaKarimazondo.

“Zvisinei, kunyuka kechipiri kwechirwere cheCovid-19 kunogona kureva kuti zvitoro zvinenge zvakavharwa kunyika idzi, vemabhizimisi vanenge vachingoendesa chete zvinhu zvakakosha kudzimba dzeveruzhinji.

“Izvi zvakanganisa bhizimisi redu. Tave kutarisira kune mimwe misika yakadai sekuRussia nekuUnited Arab Emirates uko zvirimwa zvedu zvinonzi zviri kudiwa zvikuru.”

 

Share This:

Sponsored Links