‘Covid-19 yaondonga mutambo wenetball’

10 Jul, 2020 - 00:07 0 Views
‘Covid-19 yaondonga mutambo wenetball’ Felistas Kwangwa

Kwayedza

Abel Ndooka

MUTAMBI wenetball wechikwata chenyika chemaGems  Felistas Kwangwa — uyo anove kaputeni — anoti coronavirus yakamisa zvinhu zvakawanda muhupenyu hwake sezvo mutambo uyu uriwo unomuraramisa.

Kwangwa vazhinji vanomuziva ari mumwe wevatambi akatamba netball yainwisa mvura apo maGems akaenda kunokwikwidza kumakwikwi eVitality World Cup Liverpool 2019.

Achidzoka kubva kumutambo uyu, akasvika achitsiva Perpetual Siyachitema ndokugadzwa kuve kaputeni wechikwata ichi.

Kwangwa anoti kusawana mukana wekutamba mutambo uyu unomuraramisa iye pamwe nevatambi vakasiyana, kuri kurwadza uye kudzosera hupenyu hwavo kumashure.

“Zvinhu hazvina hazvo kumira zvakanaka, hatina kumbozvifungidzira kuti coronavirus ndizvo zvaichaita izvi.

Hatina kukanganiswa isu tega, asi pasi rese riri kuchema nechirwere ichi,” anodaro.

Mwedzi uno chikwata chemaGems chaifanirwa kunge chaenda kunokwikwidza kune mumwe mutambo kunyika yeRepublic of Wales asi wakamiswa nekuda kweCovid-19.

“Mwedzi uno tange tichifanirwa kunge taenda kuWales kunokwikwidza kune mumwe mutambo asi zvese zvakaenda mudondo.

Tave kungomirira pachapera coronavirus tozoona kuti tozvifambisa sei.

“Asi iye zvino tiri kuita gadziriro dzedu tiri kudzimba sezvo takangonzi tigare takagadzirira nehutungamiri hwedu nekuti tinogona kunotamba bhora kana ‘lockdown’ ikapera. Ndofunga pane zviri kurongwa,” anodaro Kwangwa.

Parizvino Kwangwa ari kugara kuZvishavane uko anoshanda.

“Ndiri kuZvishavane izvezvi, ndine vamwe vatambi vemaGems vatatu saka tinoita tichimbobatana tichiita gadziriro dzedu pamwechete.

“Vamwe vari kunzvimbo dzakasiyana munyika tinokurukura paWhatsApp tichitumirana mavhidhiyo uye tichirakidzana kugadzirira kwatinenge tichiita,” anodaro Kwangwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey