‘Covid-19 yaondonga upenyu hwevechidiki’

30 Aug, 2021 - 14:08 0 Views
‘Covid-19 yaondonga  upenyu hwevechidiki’ Mike Mvula

Kwayedza

Abel Ndooka

MUIMBI ari kusimukira, Mike Mvula, uyo vazhinji vanonyanya kuziva saMicky Royal, anoti upenyu hwevechidiki hwakanganiswa zvikuru nekuda kweCovid-19 sezvo vazhinji vavo vari kuswera vasina zvekuita izvo zviri kuzokonzera kuti vatore zvinodhaka.

Mvula anoti remangwana revechidiki riri kukanganisika nekuda kwezvinodhaka zvinosanganisira mbanje, mutoriro, gukamakafela kana crystal merth.

“Denda reCovid-19 ravhiringidza zvinhu zvakawanda, kwatiri isu vechidiki takanganiswa nekuti ndikatarisa vakawanda, upenyu hwavo hwaenda mudondo nekuda kwekutora zvinodhaka.

“Ini paongororo yandakaita, ndakaona kuti kubva patatanga kuenda palockdown ndipo pakatangawo kuwedzera nyaya dzekutorwa kwezvinodhaka. Vamwe vechidiki havachina zvekuita, kungoswera vakagara. Ipapo ndipo pavanofurirana kutora zvinodhaka zvinokanganisa muviri izvo zvave kukanganisawo remangwana ravo. Vamwe vave kuita marombe chaiwo,” anodaro Mvula.

Anoti pari zvino ari kuparidza vhangeri kune vechidiki kuti vangwarire upenyu hwavo sezvo huchigona kukanganiswa nezvinodhaka uye kuti vashandise mikana yakasiyana kuti upenyu hwavo hubudirire nekusagarira pfungwa.

“Isu sevechidiki tine mikana yakawanda chaizvo yekuvaka upenyu hwedu naizvozvo ngatiishandise nemazvo kwete kuswerera zvisina basa.

“Iye zvino kune chirongwa chekubaiwa nhomba yeCovid-19, ngatitungamire kuenda pamberi kuitira kuti zvitibatsire tisasarire kumashure muzvirongwa zvakasiyana,” anodaro.

Mvula, uyo anobva kuShurugwi, anoti akatanga kuimba achiri mudiki.

“Mukukura, kwandaigara kuShurugwi hama neshamwari vainzwa ndichiimba saka ndivo vakandikurudzira kuti nditange kutsikisa nekuti vaiona kuti ndine chipo.

“Kubva ipapo handina kuzodzokera shure,” anodaro.

Mvula vazhinji vanomuziva nenziyo dzinosanganisira Tapinda Tapinda, Shurugwi, Kune Zviriko uye Fambai Zvakanaka a tribute to Dr Oliver Mtukudzi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey