Covid-19 yasunga zvinhu: Katsande

19 Jun, 2020 - 00:06 0 Views
Covid-19 yasunga zvinhu: Katsande Willard Katsande

Kwayedza

Abel Ndooka
MUTAMBI weKaizer Chiefs yekuSouth Africa, Willard Katsande, anoti asuwa zvikuru nhabvu zvekuti kana akanzi atambe munhandare isina vatsigiri anoenda achimhanya.

Pasi rose nhabvu yakambenge yamiswa nekuda kwechirwere cheCovid-19 icho chauraya vanhu vakawanda asi kune dzimwe nyika dziri kuEurope mutambo uyu wave kutambwa munhandare dzisina vatsigiri. Katsande anoti kuSouth Africa vachiri kuita gadziriro yenhabvu vari kudzimba dzavo.

“Zvamunongoziva nhabvu ndiwo hupenyu hwangu, inondiraramisa saka kana tisingatambe hazvitifambire. Isu takaita rombo rakanaka kuti tinobhadharwa kutamba mutambo watinoda saka kana nhabvu isiri kutambwa tinonzwa kusurukirwa zvikuru.

“Chokwadi mutambo uyu ndausuwa zvikuru nekuti ndiwo hupenyu hwangu. Hupenyu hwedu hausi kufamba zvakanaka nekuti nhabvu haisi kutambwa,” anodaro.

Anoti kana mutambo uyu kuSouth Africa ukanzi uchitanga kutambwa pasina vatsigiri haaone chakaipa.

“Ini kana zvikanzi nhabvu idzoke izvezvi ndingafare, ndogona kutamba pasina vatsigiri nekuti tinoziva basa redu uye chikuru kupedzisa mitambo yange yasara muPSL,” anodaro Katsande.

KuSouth Africa, hurumende yeko yakapa mvumo yekuti mutambo wenhabvu uchitanga kutambwa nekudaro zvikwata zveko zviri pakati pehurukuro nehutungamiri hwePSL kuti vaone nzira dzekutevedza mukudzora mutambo uyu.

Pakamiswa nhabvu kunyika iyi, chikwata chaKatsande cheKaizer Chiefs – icho chinotambirwa zvekare naKhama Billiat – ndicho chaitungamira palog chiine zvibodzwa 48 kubva mumitambo 22 yachange chatamba.

Chikwata ichi chasarirwa nemitambo misere kuti ABSA Premiership ipere.

Kana nhabvu ikadzoswa chikakwanisa kuhwina yese misere yasara chinobva chatora mukombe uyu uyo chakapedzisira kuhwina mumwaka wa2014-15.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey