Covid-19 yatiparira: Yabo

17 Jun, 2021 - 12:06 0 Views
Covid-19 yatiparira: Yabo

Kwayedza

Abel Ndooka

MURAIRIDZI weCranborne Bullets — Nesbert “Yabo” Saruchera — anoti kumiswa kwakaitwa mitambo yose zvakare neHurumende senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19 kuchakanganisa zvikuru raramo yevatambi venhabvu pamwe nevavairidzi vavo.

Hurumende nemusi weMugovera wadarika yakazivisa nezvematanho matsva ekurwisa denda reCovid-19 uye izvi zvinotevera kuwanda kuri kuita vanhu vari kubatwa nechirwere ichi munyika muno.
Sangano rinotungamira mitambo reSports and Recreation Commission (SRC) rakabva razivisawo kuti mitambo yose iri kumbomiswa uye richaita hurukuro nemasangano akasiyana anotungamira mitambo maringe nenyaya iyi.

Yabo anoti chinhu chikuru kuchengetedza utano nehupenyu hwevatambi venhabvu.
“Hupenyu hunofanirwa kukosheswa nguva dzose uye zvinenge zvataurwa neHurumende ndizvo zvatinotevedzera.

“Covid-19 iyi yatiparira uye yakanganisa zvakanyanyisa. Hupenyu hwevatambi venhabvu hwave kudzokera kumashure zvakare nekuti kana nhabvu isingatambwe havawane mari, mari vanoiwana pavanenge vachitamba kusanganisira yemabhonasi. Tangomirira kunzwa kuti Premier Soccer League iri kuronga chii sezvo iye zvino vatambi nesuwo varairidzi vacho tiri pakati pekuongororwa utano hwedu kuti hwakamira sei,” anodaro Yabo.

Anoti vatambi venhabvu havafanire kugara nguva ndefu vasingatambe.
“Mutambi wenhabvu haatambe kwemakore akawanda saka akagara kwemakore maviri chaiwo asingatambe haachatodzoke, anenge achitochembera. Zvakafanana nekuti mutambi ane makore 29 okuberekwa kana akasatamba nhabvu kwemakore maviri, paanozotamba zvinomuremera nekuti anenge anyanya kugara. Anenge atodyiwa nenguva uye patove nevamwe vechidiki vave kutodawo mukana wekupinda muchikwata ichocho,” anodaro Yabo.

Chikwata chaYabo chiri mumwaka wekutanga muPSL kubva chakavambwa uye kusvika pari zvino chatamba mitambo mitatu yeChibuku Super Cup, chikakwanisa kuhwina mumwe chete apo chakakunda Manica Diamond 1-0 ndokuita mangenge 0-0 neBlack Rhinos uye 2-2 neTanex FC muboka rayo reManicaland.

Yabo anoti ari kugutsikana chaizvo nematambiro ari kuita chikwata chake sezvo vasati vambokundwa mumwaka wavo wekutanga vachangopinda muPSL.

“Igaroziva kuti PSL haisi nyore, kana matopinda munenge muchitamba nezvikwata zvepamusoro. Saka isusu tiri kufara nematambiro atiri kuita tichitarisa kuti tiri vakomana vatsva vachangopinda muligi iri.
“Chishuwo chedu isu kuti tiende kumaquarter-fainari emutambo uyu uye toziva kuti tikashanda nesimba tosvika chete sezvo panguva ino tisu tiri pamusoro,” anodaro Yabo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey