Covid-19 yatipinza munzara: Pfambi

08 Jun, 2020 - 15:06 0 Views
Covid-19 yatipinza munzara: Pfambi Vamwe vevanhukadzi vanoita mabasa ekutengesa miviri yavo avo vanoti vapinda panzara nekuda kweCovid-19.

Kwayedza

Phillipa Mukome-Chinhoi

VAMWE vanhukadzi vanoita mabasa ekutengesa miviri yavo vanoti vapinda munzara nekuda kwechirwere cheCovid-19 sezvo vasiri kuwana mukana wekusasana nevanhurume kuti vawane mari yechouviri.

Pari zvino veruzhinji vari kukurudzirwa kuti vagare kudzimba senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere ichi.

Vanhukadzi ava vakabuda pachena pamusoro penyaya iyi pamhemberero dzeInternational Sex Workers Day idzo dzakarongwa nesangano reWomen Against All Forms of Discrimination (WAAD) muHarare nemusi weMuvhuro svondo rino.

Mumwe wavo, uyo watichadoma saMaka, anoti ari kuzviendesa kuchikoro kuGreat Zimbabwe University iri kuMasvingo uko ari kuita dhigirii reBanking and Finance achishandisa mari yaanowana kuburikidza nekutengesa muviri wake.

“Basa iri rave kutyisa nokuti hauzive kuti vaunosanga navo vakamirawo sei. Ivo varume vacho vave kutyawo kusangana nesu sezvo vachiziva basa redu, vanoda kuzvichengetedza nekuti havazive kuti wakamira sei nekuti vatinosangana navo vakawanda,” anodaro Maka.

Mashoko ake anotsinhirwa naSibo achiti kudai Hurumende yacherechedzawo mabasa avo uye ichivatsigira sezvinoitwa kune dzimwe nyika semhiri kwemakungwa.

“Dai paitwa dura remazita (database) sezvinoitwa kune dzimwe nyika revanhu vanoita mabasa ekutengesa miviri iro rinobatsira kana pachinge paita dambudziko rakaita sereCovid-19. Dura remazita iri rinobatsira kuti tiwanewo chikafu, mari yerendi nezvimwewo,” anodaro.

Hazel Zemura – uyo anotungamirira WAAD – anoti sangano ravo riri kudzidzisa vanhukadzi vanoita mabasa ekutengesa miviri yavo pamusoro peCovid-19 uye kuti vazive kukosha kwebonde rakadzivirirwa senzira yekuchengetedza utano hwavo.

“Tiri kuedza nepose patinogona kudzidzisa vasikana ava nezveCovid-19 asi vazhinji vavo vari kuti kubudikidza nenyaya yenzara, havasi kuzoregedza basa iri. Saka ratova dambudziko rekuti kunyangwe kuine lockdown, chirwere chinogona kuramba chichipararira,” anodaro Zemura.

Anoti sangano ravo rinobatsira vanhukadzi vanoita mabasa ekutengesa mivirii yavo vanosvika 1 700.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey