‘Covid-19 yatirwadzisa zvikuru’

02 Dec, 2021 - 10:12 0 Views
‘Covid-19 yatirwadzisa zvikuru’

Kwayedza

Abel Ndooka

CHIKWATA chenyika checricket chemadzimai chemaLady Chevrons chinoti charwadziwa zvikuru nedanho ratorwa neInternational Cricket Council (ICC) rekumisa mitambo yange ichitambwa munyika muno yekurwira kuenda kuWorld Cup kuIndia gore rinotevera.

Zvichitevera kunyuka kwemhando itsva yechirwere cheCovid-19 yeOmicron, nyika zhinji dziri mudunhu reSouthern Africa dzakaiswa muboka rinozivikanwa nekunzi “red list” zvichireva kuti vagari vemo havakwanise kushanyira dzimwe nyika dziri kuEurope pari zvino.

Izvi zvakaona sangano reICC richimisa mitambo yange ichitambwa munyika muno yekurwira kuenda kuWorld Cup, ndokuzivisa kuti Bangladesh, Pakistan neWest Indies – izvo zvine zvibodzwa zvakawanda kudarika zvimwe zvikwata – ndizvo zvave kuenda kunokwikwidza kuIndia.

Kunyuka kwemhando itsva yedenda iri kwakaona zvakare zvikwata zvekune dzimwe nyika zvakange zvauya muZimbabwe kuti zvizokwikwidza zvave kumhanyidzana kudzokera kumusha sezvo ndege dzinoenda kunze dzakange dzazivisa kuti dzave kumbomira kuuya munyika muno.

Mutauriri weZimbabwe Cricket (ZC), Darlington Majonga, anoti maLady Chevrons akarwadziwa zvikuru nedanho iri asi vakazozvitambira sezvo zvagara zvichizivikanwa kuti zvinogona kuitika zvichienderana nemamiriro ezvinhu.

Anoti haisi mhosva yemunhu asi kuti uyu mutemo wagara uripo wekuti kana pane chikoneso chinoita kuti mutambo usaenderera mberi, nyika nhatu dziri pamusoro pedzimwe pazvibodzwa ndidzo dzinobva dzapihwa mukana wekuenda kumakwikwi anenge aripo.

“Vatambi vedu vakarwadziwa zvikuru asi zvinhu zvatainge takatarisira kuti zvinogona kungoitika nekuti mutemo weICC unoti kana pakaita chikoneso chikuru chinotadzisa kuti mutambo uenderere mberi sezvakaitika, zvikwata zvine zvibodzwa zvakawanda ndizvo zvinenge zvave kubudirira kuenda kuWorld Cup izvo zvatakaona zvichiitika.

“Saka takazvitambira kuti mutemo wagara uripo uye iye zvino chinhu chikuru kuchengetedza utano hweveruzhinji.

“Hapana zvataikwanisawo kuita nekuti zvikwata zvose zvakange zvave kuda kudzokera kunyika dzavo sezvo ndege dzakange dzazivisa kuti dzave kumbomira kuuya muZimbabwe. Saka pakaigona kuzoita dambudziko rekuti zvikwata zvizhinji zvaizogara muno kwenguva ndefu zvichitadza kudzokera kunyika dzavo,” anodaro Majonga.

Share This:

Sponsored Links