Covid-19 yava kutoda Mwari

19 Jun, 2020 - 00:06 0 Views
Covid-19 yava kutoda Mwari

Kwayedza

VANHU vemuZimbabwe nemusi weMuvhuro uno vakabatana muchirongwa chekunamata nekutsanyira nyika kuti Mwari vapindire nekupa mazano ane hungwaru mukupedza dambudziko rechirwere cheCovid-19.

Kusvika nemusi weMuvhuro uyu, nyika ino yange yava nevanhu 387 vainge vavhenekwa ndokuwanikwa vaine Covid-19 kana hutachiona hunoikonzera hwecoronavirus.

Chirongwa chekunamata nekutsanya ichi (Day of National Prayer and Fasting) chakavepo zvichitevera kudomwa kwakaitwa zuva iri naPresident Mnangagwa svondo rapera apo vakakurudzira zvizvarwa zveZimbabwe kuti zvitsvage nyasha kubva kuna Mwari nekuda kwechirwere ichi.

Chiitiko chikuru chaive kumuzinda wemutungamiriri wenyika kuState House, muHarare, uko kwaive nevamwe vakuru veHurumende nevemachechi.

Kune mamwe mativi enyika, vanhu vakanamata pamwe chete nekutsanya zvinove zvinhu zvinokudzwa zvikuru.

Kubatana kwakaita vanhu vemuZimbabwe pazuva iri kunofanira kurumbidzwa kana tichitarisa matambudziko akasiyana ari kukonzerwa nekuda kweCovid-19.

Chirwere ichi chiri kutambudza vanhu uye nyaya dzekusimukira kweupfumi pasi rose dziri kudzikira zvakare saka hachizi chekuita zvedambe nacho.

Chirongwa chekunamata nekutsanya ichi hachinei nenyaya dzezvematongerwo enyika uye ndicho chikonzero chakakwanisa kubatanidza vanhu vezvitendero zvakasiyana semaKirisitu nemaMuslim.

Pakatanga chirwere ichi kunyika yeChina, hapana aive neruzivo kana fungidziro yekuti chichasvika pakutekeshera pasi rose sezvachaita nhasi. Asi, Mwari vaizviziva kubva kuti mugore ra2020 panguva ino nyika dzose dzichasangana neCovid-19.

Vamwe vanotaura vanoti Covid-19 ishamhu yakatumwa naMwari kuti izoranga pasi rose kuti vanhu vatendeuke muzvitadzo zvavo uye vazive kuti kuna Nyadenga.

Kunyangwe kunyika dzinonzi dzakabudirira sekuUnited States, vanhu vanodarika 100 000 vafa nekuda kweCovid-19.

Uyu mucherechedzo wekuti Covid-19 chirwere chine mutsauko.

Nyika dzinoti US, Brazil neTanzania dzine mazuva adzakatarawo zvakare ekunamata nekuda kwechirwere ichi.

Zvakakosha kuti veruzhinji vazvininipise pamwe nekunamata kuna Mwari panguva yakaita seino kuti nyika iwanirwe nyasha.

Bhaibheri rinoti kana Mwari vakatumira chirwere pasi rino uye vanhu vake vakazvininipisa pamwechete nekureurura zvivi zvavo vachinamata nekutsanya, anonzwa minyengetero yavo.

Sekutaura kwaPresident Mnangagwa, vanhu vanofanirwa kuramba vachinamata kuna Mwari nekuda kwechirwere ichi.

Asi, kunze kwekunamata, veruzhinji vanofanirwa kutevedzera zvose zvavari kuudzwa nenyanzvi dzezveutano mukuedza kudzivirira kupararira kweCovid-19.

Izvi zvinosanganisira kugara kudzimba, kupfeka mamasiki kana vachienda panzvimbo dzine vanhu vakawanda, kugeza maoko nesipo nemvura inochururuka uye kusaita chitsokotsoko.

ZveCovid-19 tava kuzvisiira mumaoko aMwari.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey