Covid-19 yavhiringa mitambo muzvikoro

08 Oct, 2020 - 16:10 0 Views
Covid-19 yavhiringa mitambo muzvikoro VaArthur Maphosa

Kwayedza

Abel Ndooka

SANGANO reNational Association of Schools Heads (NASH) riri kuchema kuti gore rino vana vanotamba mitambo yakasiyana vakarasikirwa zvikuru zvichitevera kumbomiswa kwakaitwa mitambo yose nechinangwa chekurwisa kupararira kweCovid-19 izvo zvakavatadzisawo kunokwikwidza kunze kwenyika.

NASH ndiyo inotungamira mitambo yose inoitwa muzvikoro uye gore roga-roga inogaroita mitambo inosanganisira Copa Coca Cola neStella Netball Under-17.

Mutungamiri weNASH, VaArthur Maphosa, vanoti gore rino vana vakarasikirwa zvikuru nekuda kweCovid-19.

“Ndinonzwira tsitsi vana vedu vegore rino nekuti ishuviro yemutambi wose wenhabvu, netball kana mimwe mitambo kuti vagofamba nemuchadenga vachienda kunomirira Zimbabwe kumitambo yakasiyana kunze kwenyika.

“Gore rino Covid-19 yakanganisa vana vazhinji, hapana aimbozvifungira kuti zvichasvika pakadai. Makore adarika, kuburikidza neCopa Coca-Cola, vana vange vachienda kunokwikwidza kuKenya.

Mitambo iyi yaiona shasha dzakaita mukurumbira dzichiuya kuzoona pamwe nekurairidza vatambi pamakwikwi aya izvo zvaibatsira mukusimudzira vana,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Gore negore taisienda nevana kumitambo yeCOSSASA yaiitwa kunyika dzakasiyana dzemuSouthern Africa uko kwaikwikwidzwa mijaho yekumhanya, volleyball, nhabvu, netball nemimwe. Izvi zvaibika vana murwendo rwavo mukusimukira mune zvemitambo.”

VaMaphosa vanoti mitambo iyi ndiyo yakabika vatambi vazhinji vave nemukurumbira kusanganisira vemaGems avo vakanokwikwidza kumutambo weVitality Netball World Cup kuLiverpool, kuEngland gore radarika.

“Vasikana vazhinji vakaenda kuLiverpool, kuEngland gore radarika vakapfuura nemumitambo yeNASH Stella under-17 Netball Tournament izvo zvinoratidza kuti yakakosha zvikuru uye inobika vatambi vemangwana,” anodaro.

Zvisinei, VaMaphosa vanoti chikuru panguva ino kuti vanhu vagare vakachengetedzeka kubva kuchirwere cheCovid-19.

“Tongoshuvira kuti kana denda iri rapera tirambe tichishanda pamwe chete nevatsigiri vedu sezvataisiita kare vachidira mari uye vachitibatsira kuronga mutambo yevana yakasiyana,” vanodaro VaMaphosa. Zvakadaro, operations manager weTanganda Tea Company iyo inoronga mitambo yeNASH Stella Tea Under-17 netball tournament, VaFarai Garai vanoti kambani yavo yakazvipira kuti panopera denda reCovid-19 hukama hwavo neNASH hurambe huchienderera mberi.

“Isu takazvipira mubasa redu uye hukama hwedu haumbopera neNASH, ticharamba tichishanda navo mukusimudzira mutambo wenetball nemimwe yatinositsigira inosanganisira mujaho weTanganda Tea half marathon,” anodaro Garai.

Share This:

Sponsored Links