Covid-19 yosimuka muzvikoro kuBulawayo

09 Jun, 2022 - 16:06 0 Views
Covid-19 yosimuka muzvikoro kuBulawayo Dr Muswere

Kwayedza

Thandeka Moyo-Ndlovu

BULAWAYO ndiro chete dunhu munyika muno rawedzera panyaya itsva dzevanhu vabatwa nechirwere cheCovid-19 nechikamu che10 percent mumasvondo maviri adarika uye zhinji dzacho dzichibva muzvikoro.

Vakuru vezveutano vanoti zvikoro zvinopfuura gumi zvepuraimari, zvesekondari nezvedzidzo yepamusoro zvemudunhu iri ndizvo zvine vanhu vakawanikwa vaine denda iri kusvika pari zvino.

Ongororo yakaitwa nebazi rezveutano nekurerwa kwevana inoratidza kuti Bulawayo ndiyo chete yakawedzera nyaya itsva dzevanhu vakabatwa neCovid-19 nechikamu che10 percent.

Magwaro ezveutano anoratidza kuti kubva nemusi wa25 Chivabvu kusvika 6 Chikumi, Bulawayo yaive nevanhu 383 vakawanikwa vaine denda iri mushure mekuvhenekwa.

Mukupera kwesvondo remusi wa1 Chikumi, vanhu vakabatwa nechirwere cheCovid-19 mudunhu iri i304 kana zvichienzaniswa ne292 vesvondo rapera pamberi.

Kusvika pari zvino, Bulawayo ine vanhu 21 995 vabatwa nedenda iri uye pavarwere ava, 20 727 vakatopona asi vamwe 877 vakafa.

Vachitaura kuvatori venhau mushure memusangano wedare reCabinet nemusi weChipiri, gurukota reposvo nedzinhare, Dr Jenfan Muswere, vanoti zvisinei nekuwedzera kuri kuita vanhu vari kuwanikwa vaine chirwere ichi muBulawayo, zvirongwa zvekurwisa kupararira kweCovid-19 zviri kufamba zvakanaka munyika yose.

“Huwandu hwenyaya itsva dzeCovid-19 (munyika) hwakadzikira nezvikamu gumi neshanu kubva muzana kuenda pa1 241, kubva pa1 454 svondo rapfuura,” vanodaro.

Dr Muswere vanoti izvi zvinoratidza kuti mamiriro ezvinhu maringe nekupararira kwedenda iri akadzikama.

“Ongororo ichangobva kuitwa nenyanzvi dzezveutano inoratidza kuti dunhu reBulawayo ndiro chete rakawana nyaya itsva dzevakabatwa nechirwere ichi nechikamu chinodarika 10 percent mumasvondo maviri apfuura. Zvirongwa zvekuchengetedza utano zviri kusimbaradzwa mudunhun iri,” vanodaro Dr Muswere.

Mukuru anoona nezveutano mudunhu reBulawayo, Dr Edwin Sibanda, vanoti kuwedzera kwehuwandu hwevanhu vari kuwanikwa vaine Covid-19 kuri kukonzerwa nekuungana kuri kuitwa nevanhu munzvimbo dzakasiyana.

“Nyaya zhinji ndedze muzvikoro. Kana tikada kunyatsoita ongororo pamwe nekuvheneka, tinogona kuona kuti nyaya idzi dzakawanda kudarika dzakarekodhwa,” vanodaro.

“Zvikoro zvakavhurwa zvizere, hakuna makirasi ari kufunda vachisiyanisa nguva yekudzidza sepakutanga nekudaro kuti vasaite chitsokotsoko zvinenge zvakaoma sezvo zvimwe zvikoro zviine vadzidzi vanodarika 2 000″.

Share This:

Sponsored Links