Uncategorized

Covid-19: Zivai zvizere

27 Mar, 2020 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
MUMWEDZI waZvita gore rapera, munyika yeChina makanyuka chirwere chinodaidzwa kuti coronavirus kana kuti Covid-19 icho pari zvino chapararira kunyika dzakawanda dzepasi rose, kusanganisira muZimbabwe.

Coronavirus utachiona hunokonzera kurwara sekupindwa nechando zvichizowedzera nekufamba kwenguva.

Covid-19 inoparadzirwa sei?

Covid-19 utachiona hwakaipisisa hunotapuriranwa nyore kuburikidza nekusangana nemunhu anayo padyo nepadyo (direct contact).

  • Inotapurirwa nekukosora kana kuhotsira
  • Kubatana nemunhu anayo sekumhoresana
  • Kubata midziyo inenge iine utachiona hwechirwere ichi, kubata muromo nemaziso nemaoko asina kugezwa
  • Kubata mhuka dzinorwara kana kuti dzemusango.

Zvaungaite kana uine fungidziro yeCovid-19:

Zviratidzo ndezvinotevera: kupindwa nechando, kurwadziwa muchipfuva, kutemwa nemusoro, kurwadziwa nepahuro nekukosora uchingochururuka dziwa.

Zviratidzo izvi zvinotanga zviri zvishoma asi zvichizowedzera nekufamba kwenguva uye zvinogona kutora upenyu hwemunhu.

Kana uchifungira kuti une Covid-19, ridza nhamba dzinotevera dzekubazi rezveutano nekurerwa kwevana – Hotline: +263 714 734 593 kana +263 774 112 531

Ungaderedza sei mikana yeCovid-19?

  • Siya mita imwe chete paunomira nemunhu ane zviratidzo zvekukosora
  • Usabate mhuka dzemupurazi kana dzemusango
  • Vhara mhuno dzako netishu kana gokora rako paunokosora kana kuhotsira
  • Regedza katsika kekubata maziso kana muromo.
  • Geza maoko ako nguva dzose paukosora kana kuhetsura kana kubatsira murwere
  • Geza maoko nesipo nemvura yakachena kana uchinge washandisa chimbuzi
  • Geza maoko ako usati wagadzira kudya
  • Geza maoko usati wayamwisa mwana
  • Geza maoko ako pese paanenge asviba
  • Kana uchinge wabva kunyika dzine utachiona uhwu, gara kumba kwemazuva 14.
  • Regedza kuita katsika kekushanya kune dzimwe nyika kana mamwe matunhu anenge ari kutekeshera chirwere ichi.

Zvinhu zvinowanikwa kuti vanhu vanoshungurudzika, kutyiswa kana kugumbuka nekuda kwedambudziko iri asika, taurawo neshamwari dzako kana mhuri.

Panguva yaunenge uri kumba, idya chikafu chinovaka muviri, uchinyatsorara uye kuita mitambo inosimbisa muviri.

Taurai panhare kana paWhatsApp nehama neshamwari.

Usashandise zvinodhaka kuti uzvinyaradze mundangariro.

Kana ukaona zvava kukukunda, taura nevarapi uye vapangi vemazano vemunharaunda.

Deredza nguva yekuona zvinhu zvinokushungurudzai paterevhizheni kana kuverenga mumapepanhau. — Ruzivo urwu rwunobva kubazi rezveutano nekurerwa kwevana rakabatana neWorld Health Organisation.

 

Share This:

Sponsored Links