Uncategorized

Covid-19: Zvinhu zvoshata . . . 774 vawanikwa vaine denda iri zuva rimwe chete

04 Jan, 2021 - 10:01 0 Views
Covid-19: Zvinhu zvoshata  . . . 774 vawanikwa vaine denda iri zuva rimwe chete

Kwayedza

 

Munyori weKwayedza
VANHU 774 vawanikwa vaine chirwere cheCovid-19, vamwe vatatu ndokufa nedenda iri nhasi bedzi hunova huwandu hunotyisa sezvo zvanga zvisati zvamboitika kubva patanga kuonekwa murwere wekutanga wedenda iri munaKurume wegore rapera.

Zuva nezuva Hurumende inovheneka vanhu Covid-19 kunzvimbo dzakasiyana nyika yose, zvinenge zvawanikwa zvichiziviswa veruzhinji.
Mumashoko aburitswa nebazi rezveutano nekurerwa kwevana, nhasi bedzi, vanhu 774 vawanikwa vaine Covid-19 – chirwere chinokonzerwa nehutachiona hunodaidzwa kuti coronavirus.

Ava ndivo vanhu vakawandisa vawanikwa vaine denda iri pazuva rimwe chete kubvira patanga kuonekwa murwere wekutanga muno aine denda iri musi wa20 Kurume 2020.

Vanhu vanhasi vabva vakwidza huwandu hwevarwere vawanikwa vaine Covid-19 kusvika pa15 265.
Varwere veCovid-19 vanosvika 380 vafa zvichitevera kushaika kwevatatu nhasi.

Munguva ingangoita mwedzi miviri yadarika, vanhu vari kubatwa neCovid-19 vari kuwanda izvo zvava kutyirwa kuti varwere vakawandisa vangangoshaya nedenda iri.

Izvi ndizvo zvatuma Hurumende kuti isimbaradze zvakanyanya matanho ose ane chekuita nekuedza kumisa kupararira kwechirwere ichi.
Nemusi weMugovera, mutevedzeri wemutungamiri wenyika vari zvakare gurukota rezveutano nekurerwa kwevana Vice President Constantino Chiwenga vakazivisa nezvematanho matsva ayo anosanganusira kuti vanhu vose – kunze kweavo vanoita mabasa akakoshesesa – vambogara kumba kwemazuva 30.

Share This:

Sponsored Links