Covid haisarudze, tose tiri panjodzi’

22 Jan, 2021 - 16:01 0 Views
Covid haisarudze,  tose tiri panjodzi’ Dr Muswere

Kwayedza

Tandayi Motsi

HURUMENDE inoti Covid-19 – iyo inokonzerwa nehutachiona hunodaidzwa kuti coronavirus – haisarudze vanhu vekubata uye munhu wose ari panjodzi yechirwere ichi, nekudaro zvakakosha kutevedzera matanho anokurudzirwa ekumisa kupararira kwedenda iri muZimbabwe.

Vakafanobata chigaro chegurukota rezvekuburitswa kwemashoko nenyaya dzenhepfenyuro, Cde Jenfan Muswere, vanoti ibasa remunhu wose kurwisa kupararira kweCovid-19.

“Tiri muhondo yekurwira upenyu hwedu uye tinokurudzira munhu mumwe nemumwe kuti awane chaanoita mukurwisa denda iri. Covid-19 haisarudze vanhu. Haizivi rudzi rwemunhu uye kuti munhukadzi here kana kuti munhurume.

“Hapana asiri panjodzi yekubatira chirwere ichi, asi tine zvatinokwanisa kuita nezvazvo sevanhu, senharaunda uye senyika,” vanodaro.

Cde Muswere vanoti Ad-hoc Interministerial Taskforce on Covid-19 yakaita musangano svondo rino ndokuzeya pamusoro pemamiriro aita chirwere ichi muZimbabwe.

Vanoti zvakabuda muhurukuro idzi kuti vanhu vari kurasikirwa neupenyu hunokosha nekuda kweCovid-19.

Cde Muswere vanotiwo hazvizi nyore kuti Hurumende iti veruzhinji vagare kudzimba nechinangwa chekurwisa denda iri (lockdown) kana pachitariswa matambudziko anosanganikwa nawo munyaya dzebudiriro yeupfumi hwenyika uye nemagariro evanhu.

“Tinokurudzira munhu wose kuti awane chaanoita mukudzivirira kupararira kwechirwere ichi. Tinorumbidza veruzhinji vari kutevedzera matanho akatarwa ekurwisa denda iri.

“Zvisinei, avo vanoda kuramba vachiisa utano hwavo panjodzi pamwe chete nehwevamwe vacharangwa zvakasimba nemutemo,” vanodaro.

Vanoti vanhu 16 286 vakasungwa munyika yose svondo rapera nemhosva dzekutyora mitemo yelockdown.

Hurumende, vanodaro Cde Muswere, inotenda vashandi vezveutano vari pamberi panyaya yekurwisa Covid-19 nekuzvipira kwavo mubasa.

Vanoti Hurumende yakatanga chirongwa chekubvisa vana nevanhu vakuru vanoraramira mumigwagwa ichivaendesa kunzvimbo dzakakodzera nedonzvo rekuchengetedza utano hwavo uye nekusimudzira raramo yavo.

“Panyaya yevana vanoraramira mumigwagwa, Hurumende iri kuramba ichishanda nesimba ichivaendesa kunzvimbo dzisina njodzi, kubva kumamiriro ekunze asina kunaka uye nenjodzi yekubatira Covid-19. Pari zvino tine 37 vari kuBeatrice, 28 paRuwa Rehabilitation Centre, 67 kuMt Hampden nevaviri paNorthcot Training Insitute.” vanodaro.

Cde Muswere vanoti hondo yekurwisa kupararira kweCovid-19 inoda kubatana kwenyika yose.

“Pamwe chete tinokwanisa kudzivirirana uye pamwe chete tinokwanisa kukunda chirwere ichi,” vanodaro.

Kusvika nemusi weChina svondo rino, vanhu 30 047 vange vawanikwa vaine Covid-19 muZimbabwe.

Pavarwere ava, 19 569 vakatopona asi vamwe 917 vakafa.

Share This:

Sponsored Links