Covid ingangotivhiringa: Mpandare

26 Feb, 2021 - 00:02 0 Views
Covid ingangotivhiringa: Mpandare Marvelous Nakamba

Kwayedza

Abel Ndooka
MANEJA wechikwata chenyika chemaWarriors — Wellington Mpandare — anoti nekuda kwemitemo yekurwisa chirwere cheCovid-19 iri kunyika yeEngland, vatambi vavo vakaita saMarvelous Nakamba weAston Villa naTendayi Darikwa weWigan Athletic vanogona kukundikana kuuya kuzomirira nyika mwedzi unotevera apo vachasangana neBotswana neZambia mumitambo yekurwira kuenda kuAfrica Cup of Nations gore rinotevera.

Vamwe vatambi vemaWarriors vari kuUK vanosanganisira Adam Chicksen weNotts County naJordan Zemura weBournemouth.

Mitemo yeCovid-19 yekuUnited Kingdom inoti mutambi wese wenhabvu kana aenda kunyika iyo inoonekwa sekunge denda iri rakanyanya, paanozodzoka kuUK anofanira kugara mazuva 10 ari ega uye panguva ino zvikwata zvekuEngland zviri kutamba mitambo yeChampions League neEuropa League.

Muhurukuro, Mpandare anoti vari kungoshuvira kuti zvimwe mitemo yekuEngland ichashanduka kuitira kuti vatambi vavo vose vari kuUK vagokwanisa kupihwa mvumo nezvikwata zvavo vagouya kuzomirira nyika mumitambo iyo yakakosha zvikuru yekurwira kuenda kuAfcon.

Wellington Mpandare

“Mitemo iripo iye zvino yekuUK yakaoma, hatizive kuti vatambi vedu vakaita saNakamba naDarikwa nevamwe vachakwanisa kuuya here kuzokwikwidza nekuti mitemo iriko kuUK yakati omei.

“Asi tichagara tavadoma muchikwata chedu icho tichazivisa mumazuva mashoma anotevera. Tine chivimbo chekuti mitambo painozosvika, zvinhu zvinenge zvashanduka zvekuti vachakwanisa kuuya kuzomirira nyika yavo,” anodaro Mpandare. Anoti kusatambwa kuri kuitwa nhabvu yemuno kuri kuita kuti vatambi vemuPremier Soccer League (PSL) vashaye mukana wekurwira kuzomirira nyika yavo.

Tendai Darikwa

“Vakomana vedu vemuno vanotambira muPSL, kusatambwa kwenhabvu muno kuri kuvakanganisa zvakawanda chaizvo nekuti handione vachishevedzwa kuzotambira maWarriors nekuti vave nenguva refu vakangogara vasiri kutamba nhabvu saka vane ngura. Chinoita kuti munhu ashevedzwe kuzotambira nyika yake kugara achitamba nhabvu masvondo ose achionekwa hunyanzvi hwake.

“Saka kana nhabvu isiri kutambwa muno hapana mutambi anogona kushevedzwa kuti azomirira nyika,” anodaro Mpandare. MaWarriors achasangana neBotswana musi wa25 Kukadzi kunyika iyi uye ozosangana neZambia musi wa29 Kukadzi muno.

Chikwata chenyika ichi chinofanirwa kuhwina mitambo yacho yose kuti chigobudirira kuenda kuTotal Cameroon 2021 Africa Cup of Nations.

Share This:

Sponsored Links

https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG