Covid iri kuderera

13 Oct, 2021 - 16:10 0 Views
Covid iri  kuderera Sen Mutsvangwa

Kwayedza

Tandayi Motsi

NYAYA dzevana, varairidzi nevamwe vanoshanda muzvikoro vari kubatwa neCovid-19 dziri kudzikira uye bazi rezveutano nekurerwa kwevana riri kuramba richiongorora zvakasimba kuti denda iri risapararira muzvikoro.

Vachitaura kuvatori venhau mushure memusangano wedare reCabinet nemusi weChipiri, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko – Senator Monica Mutsvangwa – vanoti matanho ari kutorwa neHurumende ekurwisa chirwere ichi munyika ari kubatsira zvakanyanya.

“Pave kudzikira kwenyaya dzevari kubatwa neCovid-19 muzvikoro. Bazi rezveutano nekurerwa kwevana rinoramba rakangwarira zvikuru richiongorora mamiriro ezvinhu nechinangwa chekudzivirira kupararira kweCovid-19 munzvimbo dzekudzidzira idzi,” vanodaro.

Muzvikoro nguva pfupi yadarika makambonetsa nenyaya dzevadzidzi, varairidzi nevamwe vanoshandamo vaibatwa neCovid-19.

Sen Mutsvangwa vanoti nyaya dzevanhu vari kuwanikwa vaine denda iri dziri kudzikira zvakare munyika yose.

“Huwandu hwevari kubatwa nechirwere ichi hwakadzikira musvondo rapera ratiri kutaura nezvaro. Huwandu hwepakati nepakati hwevari kubatwa nedenda iri pazuva hwakadzikira kusvika pa10 kubva pa19. Izvi zviri kukonzerwa nematanho akasimba ari kutorwa neHurumende ekudzivirira kupararira kwechirwere ichi,” vanodaro.

Sen Mutsvangwa vanoti pane chikwata chevezveutano chakatumirwa kuChitungwiza kuti chinoshambadza pamusoro pekukosha kwekuti vagari veko vabaiwe nhomba dzekudzivirira chirwere cheCovid-19.

“Bazi rezveutano nekurerwa kwevana rakatumira chikwata kuChitungwiza kuti chipe chenjedzo uye kusimudzira chirongwa chekuti vagari vekuChitungwiza vabaiwe majekiseni ekudzivirira chirwere ichi.

“Dare reCabinet rinoda zvakare kuzivisa veruzhinji kuti nyika iri kutarisira kutambira ma’syringes’ 5 000 000 munaMbudzi 2021. Izvi zvichaita kuti awedzeredze pamajekiseni emushonga weCovid-19 anosvika 13 243 200 ayo atengwa kusvika pari zvino,” vanodaro Sen Mutsvangwa.

Kusvika nemusi weChipiri svondo rino, vanhu 132 016 vange vawanikwa vaine chirwere cheCovid-19 mushure mekuvhenekwa muZimbabwe kubvira pakatanga denda iri munaKurume gore rapera.

Pavarwere ava, 125 693 vakatopona asi vamwe 4 645 vakafa.

Kusvika nemusi uyu zvakare, vanhu 3 183 314 vange vabaiwa majekiseni ekutanga (1st dose) ekudzivirira chirwere cheCovid-19 apo 2 428 540 vange vabaiwa echipiri (2nd dose).

Izvi zvinoreva kuti chikamu che37. 3 percent chevanhu vose vari munyika vabaiwa majekiseni ekutanga apo 28.3 percent vabaiwa echipiri.

Zimbabwe ine chinangwa chekubaya vanhu 10 miriyoni nhomba dzekudzivirira Covid-19 kuti nyika inge yakadzivirirwa kubva kudenda iri.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>