Covid muzvikoro: Poitwa ongororo

13 Apr, 2021 - 06:04 0 Views
Covid muzvikoro:  Poitwa ongororo Dr Mahomva

Kwayedza

Debra Matabvu

HURUMENDE iri kusimbaradza ongororo muzvikoro zvichitevera kuwanda kuri kuita nyaya dzevana nevarairidzi vari kuwanikwa vaine chirwere cheCovid-19 muzvikoro zvebhodhingi.

Zvikoro zvinosvika 15 munyika zvine vana nematicha vakawanikwa vaine Covid-19 mukati nemasvondo maviri adarika uye izvi zviri kunzi zvakakonzerwa nekuda kwevakuru vezvikoro nevabereki vasina kutevera zvakataurwa nemutungamiriri wenyika President Mnangagwa kuti vanhu vasafambe zvisina tsarukano pazororo rePasika.

Svondo rapera, vanhu 11 vakafa nechirwere ichi munyika muno apo vamwe 236 vakawanikwa vaine hutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera Covid-19.

Magwaro akaburitswa nebazi rezveutano nekurerwa kwevana anoratidza kuti pavanhu 236 vakabatwa vaine denda iri, 133 vavo ndevemuzvikoro zvemabhodhingi kuchiti vamwe ndevemunharaunda.

Dr Agnes Mahomva – avo vanova Chief Co-ordinator weCovid-19 mumahofisi emutungamiri wenyika nedare reCabinet – vanoti Hurumende iri kusimbaradza ongororo yekuona kuti sei chirwere ichi chiri kupararira muzvikoro.

“Tine ruzivo nezvekukwira kwehuwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere ichi, asi gwaro iri rinoti vakawanda ndeve pane chimwe chikoro chebhodhingi chiri kuMatabeleland South,” vanodaro.

“Tasimbaradza ongororo yedu muzvikoro sezvinodiwa pasi pemitemo yeStandard Operating Procedures (SOPs).

“Avo vakawanikwa vaine chirwere ichi vari kuchengetwa kunzvimbo dzavo voga apo dzimwe nzira dziri kutorwa kudzvirira kupararira kwedenda iri muzvikoro,” vanodaro Dr Mahomva.

VaTaungana Ndoro, vanova Director of Communications and Advocacy kubazi redzidzo yepuraimari nesekondari, vanotiwo kune vamwe vabereki vakashanyira vana vavo muzvikoro zvebhodhingi pazororo rePasika izvo zvinopesana nezvaive zvataurwa neHurumende.

“Pazvikoro 9 653, zvinosvika 10 kusvika 15 zvakava nenyaya dzevakabatwa neCovid-19 uye dzimwe dzenyaya idzi dziri kunzi dzakakonzerwa nevabereki vasina kuterera zvakataurwa neHurumende kuti vanhu vasafambe zvisina tsarukano panguva yezororo reEaster. Zvinhu zvose zvakagadzikana, vadzidzi nevarairidzi vakawanda vakawanikwa vaine chirwere ichi vari kuchengetewa kunzvimbo dzavo voga uye tiri kutevedza zvakare mitemo yeWorld Health Organisation (WHO) neyebazi redzidzo yepuraimari nesekondari yeSPOS,” vanodaro VaNdoro.

Zvikoro zvine vakawanikwa vaine Covid-19 zvinosanganisira Falcon College neSacred Heart Secondary nepuraimari yacho – zvose zviri kuUmzingwane, kuMatabeleland South.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey