Covid nemiti yechivanhu

26 Dec, 2021 - 07:12 0 Views
Covid nemiti  yechivanhu

Kwayedza

Kingstone Mapupu

KUNYUKA kwechirwere cheCovid-19 kunonzi kwasimudzira kurimwa kwemishonga yechivanhu sezvo mimwe yacho ichinzi inobatsira mukuderedza marwadzo anokonzerwa nedenda iri pamwe chete nekurapa zvimwewo zvirwere.

VaBrian Chatindo (54) vekuWaterfalls, muguta reHarare vanove nyanzvi yekurimwa kwemiti yemusango inogadziriswa mishonga inorapa (herbalist) vanoti kubva pakatanga HIV neAIDS uyewo nekuzouya kweCovid-19, kurimwa kwemiti iyi kuri kusimukira zvakanyanya.

“Kuuya kwechirwere cheCovid-19 muno mugore ra2020 zvakaita kuti kurimwa kwemiti nemimwe mishonga yechivanhu kusimukire zvakanyanya sezvo mimwe yacho inonzi inobatsira kurwisa denda iri,” vanodaro VaChatindo.

Vanoenderera mberi vachiti, “Ndava nemakore anodarika 20 ndichirima miti inorapa yatinoti maherbs muchirungu nemimwewo. Kubva pakanyuka HIV neAids, ndakabva ndapinda mukurima miti yemishonga yechivanhu uye pakazouyawo reCovid-19 ndawedzera kuita basa iri pano pamusha nekupurazi kwangu.”

Pamusha pemurimi uyu pane miti inosanganisira moringa, michecheni, miwunga, misasa neminhondo.

“Ini ndine ruzivo rwemishonga yechivanhu kubva kuchikoro chandakaenda uyewo nekudyidzana kwandinoita nenyanzvi dzemishonga yechivanhu,” vanodaro VaChatindo.

Vanoti zvakakosha kuti veruzhinji, kusanganisira varapi vechivanhu, vadyare miti yakasiyana zvichitevera kutemwa kuri kuitwa miti zvisina tsarukano.

VaChatindo vanoti mubasa ravo vanoshandisa nzvimbo yepasitendi yavo yakakura hekita kurima miti iyo yavanodiridzira.

“Ndinoshanda nesangano reTraditional Medical Practitioners Council (TMPC) panyaya dzemishonga yechivanhu nematanho ose anoda kutevedzwa. Tinoshanda zvakare neveForestry Commission pakudyarwa kwemiti,” vanodaro VaChatindo.

Aids neCovid-19 zvirwere zvisati zvawanirwa mishonga yekuzvirapa uye ongororo dzichiri kuitwa zvisinei nekuti mishonga iriko inongobatsira pakuderedza hukasha hwematenda ashungurudza vanhu pasi rose aya.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>