Uncategorized

Covid netsika yekuchemana, ‘. . . parufu pane njodzi’

20 Jul, 2021 - 15:07 0 Views
Covid netsika  yekuchemana,          ‘. . . parufu pane njodzi’

Kwayedza

Kingstone Mapupu

VERUZHINJI vari kukurudzirwa kuti vatambire mararamiro matsva auya nekuda kweCovid-19 uye kuti vasamhanyire kuenda kurufu, asi kuti vadzidze tsika yekubata maoko panhare nedzimwe nzira dzepadandemutande nechinangwa chekudzivirira kutapurirana chirwere ichi.

Iyi ikurudziro yakanzura weWard 7, kuChegutu, Elderman Solomon Tapfumanei Kagoro (68), avo vanoti zvakakosha kuti vanhu vatevedzere mitemo yakatarwa neHurumende uye nesangano rinoona nezveutano pasi rose reWorld Health Organisation (WHO) yekurwisa chirwere ichi.

“Chirwere cheCovid-19 chiri kupararira semoto wesango nekuda kwekusatevedzera kwedu mirawo yatinokurudzirwa. Kuungana munhamo kuri kunzi nenyanzvi ndicho chimwe chezvinhu zviri pamusoro pakuparadzira Covid-19.

“Saka tinoti kana paitika rufu, ngatisamhanye kuenda kunhamo asi kuti ngatibatei maoko tiri kudzimba kwedu kumariro kwoenda vanokodzera bedzi,” vanodaro Elderman Kagoro.

Vanoti vari kushanyira mudzinhamo kudunhu ravo uko vari kuona vanhu vachiungana zvekudarika zana izvo zvinopesana nemutemo weHurumende unoti vanhu vanotarisirwa kuve parufu havafanirwe kudarika 30.

Elderman Kagoro vanoti kudzinhamo uku vanoona vanhu vakaungana kuita chitsotsoko, vakawanda vavo vasina kupfeka mamasiki uye vasingashambidze maoko avo.

“Handizive kuti tikarega kuenda kurufu uye totumidzira chema panhare kune vanokodzera zvingashate here. Ngatiregei kunoungana sezvataimboita kare.

“Vanhu vanoda kunoonekwa vachichema nekuzvirovera pasi kuti vazivikanwe kuti vasvika pamariro – maitiro iwaya ane njodzi huru. Ukarega kusvika kunhamo kwacho unonzi hausisiri hama yepedyo here? Ngatisiyei tsika dzedu dzechivanhu tigamuchire mararamiro matsva avepo nekuda kwechirwere ichi tisati tapera kufa,” vanodaro.

Elderman Kagoro ndivozve vakafanobata chinzvimbo chakanzura weWard 10 kudunhu rekwaNyamweda zvichitevera kushaika kwaKanzura Sylvetser Magarasadza avo vakafa mwedzi mishoma yakadarika.

“Ndinomirira Ward 9 inova kwaChivero neWard 10 kwaNyamweda sezvo Kanzura Magarasadza vaimirira nzvimbo iyi vakashaika. Kunzvimbo dzose idzi tiri kuona kuti vanhu vari kuungana mudzinhamo, vamwe vachitovhura mitumbi mumabhokisi senzira yekuonekana nevafi.

“Zvose izvi hazvisi kubvumidzwa, injodzi huru sezvo zvichiparadzira hutachiona hweCovid-19,” vanodaro.

Elderman Kagoro vanoti zvakakosha kuti vatungamiriri vemunharaunda vanosanganisira makanzura nemasabhuku vashande pamwe chete neveutano mukurwisa Covid-19.

“Sevatungamiri, ngatishandei nebazi rezveutano pakuchenjedza ruzhinji munyaya dzine chekuita neCovid-19,” vanodaro.

Kune dzimwe nyika dzakaita seNamibia, parufu pari kutenderwa vanhu gumi bedzi nechinangwa chekuderedza kutapurirana coronavirus – hutachiona hunokonzera Covid-19.

Share This:

Sponsored Links