Covid nezviri kuitika parufu

02 Jun, 2021 - 17:06 0 Views
Covid nezviri kuitika parufu Sen Mutsvangwa

Kwayedza

Tandayi Motsi

HURUMENDE inoti inoshushikana zvikuru nekusatevedzerwa kuri kuitwa mitemo yakadzikwa yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19 neveruzhinji, zvikuru parufu apo vamwe vari kuvhura mabhokisi ane zvitunha vachida kuonekedzana nevafi.

Vachitaura nemusi weChipiri kuvatori venhau mushure memusangano wedare reCabinet muguta reHarare, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Senator Monica Mutsvangwa, vanoti zvakakosha kuti veruzhinji varambe vachitevedzera matanho akatarwa ekurwisa denda iri.

“Zviri kuonekwa kuti kune mamwe matunhu anosanganisira Matabeleland South, vanhu havazi kutevedzera mitemo yekudzivirira kupararira kweCovid-19 parufu, izvo zviri kuita kuti pave nekusanzwanana pakati pevashandi vezveutano vanove maEnvironmental Health Workers nehutungamiriri hwemunharaunda panyaya yekuvhurwa kwemabhokisi nekuonekedzana nevafi,” vanodaro Sen Mutsvangwa.

Vanoenderera mberi vachiti, “Mitemo inofanirwa kutevedzwa pakuunza mitumbi kubva kunze kwenyika uye zvinotarisirwa kuitwa parufu zvinokwanisa kuwanikwa kubazi rezveutano nekurerwa kwevana.”

Pasi pemitemo yekudzivirira kupararira kwedenda iri, vanhu vanotarisirwa kunge vari pamakungano anosanganisira parufu havafanirwe kudarika 50 uye kuonekedzana nemutumbi hakutenderwe pamwe chete nekubatana maoko chishanu.

Sen Mutsvangwa vanoti kune vamwe vanhu vave kuvarairwa zvakare panyaya yekusapfeka mamasiki nekugara vachishambidza maoko.
“Veruzhinji vanokurudzirwa kuti varambe vakangwarira uye vosiyana nekuvarairwa sezviri kuonekwa panyaya yekutevedzera matanho ose akatarwa ekudzivirira Covid-19.

“Vanhu vanofanirwa kuzvidzivirira kubva kudenda iri kuburikidza nekugeza maoko, kupfeka mamasiki, kusaita chitsokotsoko, kuona kuti panzvimbo yavari panopinda mhepo yakakwana uye kuti vasawanda muzvivakwa zvakavharika,” vanodaro Sen Mutsvangwa.
Vanoti Hurumende iri kushushikana zvakare nekuwanda kuri kuita nyaya dzemanyepo pamusoro peCovid-19 idzo dziri kutenderera pamadandemutande.

“Panyaya yekufambiswa kwemashoko ari pamusoro peCovid-19, Cabinet inoshushikana kuona kuti pane kuwanda kwemanyepo, zvikuru pamadandemutande. Veruzhinji vanoziswa kuti bazi rezveutano nekurerwa kwevana ndiro chete rinopa mashoko echokwadi ari maringe neCovid-19, kwete kuteerere mashoko asingazivikanwe kwaanenge abva nako,” vanodaro Sen Mutsvangwa.

Vachitaura pamusoro pekunyuka kwakaita denda iri paBondolfi Teachers College kuMasvingo, vanoti pakatorwa matanho ekugadzirisa dambudziko iri.

“Cabinet inoda kuzivisa kuti matanho anotevera akatorwa nechinangwa chekugadzirisa mamiriro ezvinhu: vanhu vepakoreji iyi havazi kubvumidzwa kufamba-famba, vakawanikwa vaine chirwere ichi vari kuchengetwa pavo voga, pane kuronda kuri kuitwa vose vakasangana nevane chirwere ichi uye kune kuvhenekwa kwevanhu vepakoreji iyi pamwe chete nevepazvikoro zvepuraimari nesekondari zviri pedyo,” vanodaro Sen Mutsvangwa.

Vanoti matanho aya ndiyo anotorwa kana pachinge panyuka chirwere cheCovid-19 muzvikoro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey