Covid: ‘Ngwarirai mari yamunobata’

14 Jul, 2021 - 10:07 0 Views
Covid: ‘Ngwarirai  mari yamunobata’

Kwayedza

 Muchaneta Chimuka

UTACHIONA hwecoronavirus uhwo hunokonzera chirwere cheCovid-19 hunokwanisa kugara kwenguva refu panharembozha kana pamari apo hunogona kurarama huripo kwemazuva 28.

Ongororo iyi yakaitwa  nedzimwe nhengo dzeNational Science Agency CSIRO  kunyika yeAustralia apo vakaona kuti coronavirus inokwanisa kurarama kwemazuva 28 kana kudarika iri pamisoro pemidziyo (surfaces) ingava mari, nharembozha kana pamatafura chaipo.

Muongororo iyi, zvakaonekwa kuti utachiona uhwu hunorarama zvakanaka pamari yebepa apo chikamu che90 percent cheutachiona uhwu chinozoparara mushure mamazuva 9.13 mukati mekudziya kwekunze kunoita 20°C.

Nyika yeChina iri kutanga yauraya utachiona pamari dzayo dzose kubvira mumwedzi waKukadzi senzira yekuderedza kutapuririrana chirwere cheCovid-19 kuburikidza nemari yemusvo.

Mari idzi vari kudzichenesa nekushandisa mhando yemweje kana kudziya inodaidzwa kunzi UV light, mushure vochengeta mari iyi kwemazuva 14 isati yaendeswa kuvanhu.

Nyika iyi yava kuderedza zvekare nyaya dzekushandiswa kwemari dzemusvo apo chikamu che60 percent chemari dzavari kushandisa dziri dzepurasitiki sekushandisa mari dzemumbozhanhare (mobile payment system).

Utachiona hwecoronavirus hwakaonekwa kuti hunorarama kwenguva refu munzvimbo dzinotonhora semuchikafu chakaomeswa nechando mumafiriji.

Kuburikidza neongorororo iyi, zvakaonekwa zvakare zvakakosha kuti vanhu vashambidze nharaunda dzavo semadziro, matafura, michina yakadai semakombiyuta nemishonga inouraya utachiona uye kuzora masanitiser mumaoko mushure mekubata mari kuitira kuti chirwere ichi chisaramba chichipararira.

Vachitaura neKwayedza, Mai Loveness Mainato avo vanova mutungamiriri wesangano reAlbino Charity Organisation vari zvekare Community Health Worker on Covid-19, vanoti mari dzemusvo ndidzo dzimwe mviromviro dzekupararira kweCovid-19.

“Munyika muno, zviri pachena kuti mari dziri kutenderera, nekuti mari inobva Mberenngwa kana kuSouth Africa chaiko inoguma yava mumaoko evazhinji muZimbabwe. Kudai zvaibvira mari dzemusvo dzambomira kushandiswa vanhu vaita zvekushandisa mari dzepurasitiki dzemumafoni nemakadhi ekubhengi.

“Kutengeswa kwemari mumisika mitema ndiko kumwe kunoita kuti mari dzepurasitiki dzionekwe sedzisina maturo nekuti pose patinodzishandisa tinodhurisirwa zvakanyanya kupinda munhu anoshandisa mari yemusvo,” vanodaro.

Vanowedzera vachiti, zvakangokosha kuti munhu nemunhu afambe aine chibhodhoro chake chesanitizer kuitira kuti azvizore maoko mushure mekushandisa mari yemusvo pamwe nekupfeka mamasiki anovhara muromo nemhuno zvakanaka.

VaItai Rusike, avo vanova executive director weCommunity Working Group on Health, vanotiwo nekuda kwekupararira kuri kuita Covid-19 izvo zviri kukonzerwa nema”variants” matsva uye ane kuturu hwakanyanya seDelta, Indian, Delta, Beta neAlfa pakati pemamwe, zvava kuda kuti vanhu vangwarire nzira dzose dzinoita kuti chirwere ichi chipararire sekubatwa kwemari yemusvo.

VaRusike

“Chirwere ichi chatekeshera zvikuru zvekuti kunyangwe kumamisha chavako kunova kwachaive chisiko. Mabatirwo ari kuitwa mari dzebepa sezvinoitwa nevaya vari mubasa rekuchinja mari kuri kuwanda apo vanoonekwa vaine majumba ayo. Mukuchinjwa kwemari uku, vanhu vanoshandisa maoko anenge asina kushambidzwa nesanitizer.

“Zimbabwe inyika ine mabhizimusi akakura apo vanhu vari mushishi kutengesa zvirimwa zvavo sechibage, donje kana fodya uye muzvitoro mari dziri kungobatwa zvisina kungwarira uye pasina dziviriro. Mavariants andataura aya anotapuriranwa zviri nyore uye achiuraya nekukasika, saka kuti tideredze kutapurirana utachiona uhwu, zvakakosha kuti utsanana nekuvhenekwa kupisa kwemuviri kucherechedzwe,” vanodaro.

Vanoti huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere cheCovid-19 huri kuramba huchikwira, izvo zvinowanza varwere muzvipatara zvichipawo mutoro mukuru kuHurumende nevashandi vayo apowo zvikoro zviri kuramba zvakavharwa.

Nemusi weMuvhuro svondo rino, vanhu 51 vakafa nekuda kweCovid-19 zvikabva zvakwidza huwandu hwevashaya nedenda iri kuenda pa2 236.

Nemusi uyu bedzi, vamwe vanhu 2 661 vakavhenekwa ndokuwanikwa vaine coronavirus.

Kubva patanga kuonekwa Covid-19 muno mumwedzi waKurume 2020, vanhu vawanikwa vaine chirwere ichochi vadarika 70 000. Pavarwere ivava, 46 932 vakatopona.

Panguva imwe cheteyo, Hurumende iri kusimbaradza matanho anoyamura mukudzivirira veruzhinji kudenda rakaipisisa iri.

Matanho aya anosanganisira kutenga majekiseni ekudzivirira Covid-19 kunze kwenyika, kunyanya kuChina, ayo ari kubaiwa pachena uye kune vanozvipira.

Nekuda kwekutekeshera kuri kuita ruzhivo nemashoko ezvakakosha majekiseni aya, vanhu vari kuonekwa vakawanda munzvimbo dzinobairwa majekiseni aya semuzvipatara nemumakiriniki vachizvipira kubaiwa.

Veruzhinji vari kuramba vachiyambirwa kuti vasiyane nenyaya dzekuungana uye kuti vapfeke mamasiki, vonobaiwa nhomba dzeCovid-19 nekushambidza maoko avo nesanitizer uye vanenge vasiri kunzwa zvakanaka vanosungirwa kumbomira kuenda kumabasa pamwe nekusangana neruzhinji senzira yekuderedza kupararira kwechirwere ichi.

Kuungana kwose hakusi kutenderwa kunze kweparufu bedzi apo panobvumidzwa vanhu 30.

Share This:

Sponsored Links