Covid: ‘Vanhu voita chijairira’

03 May, 2021 - 17:05 0 Views
Covid: ‘Vanhu  voita chijairira’ Prof Ngwenya

Kwayedza

Tandayi Motsi

NYANZVI munyaya dzezveutano, Professor Solwayo Ngwenya, vari kuyambira veruzhinji kuti budiriro yavepo panyaya yekubaiwa kwevanhu majekiseni ekudzivirira chirwere cheCovid-19 inogona kudzoserwa kumashure zvikuru nekuda kwekatsika kekuita chijairira vanhu vasisatevedzere matanho atakarwa ekurwisa denda iri.

Vanoti kudzikira kuri kuita huwandu hwevanhu vari kufa uye kuwanikwa vaine chirwere ichi mushure mekuvhenekwa kuri kuita kuti vamwe vanhu vashaye hanya nekutevedzera matanho anosanganisira kupfeka mamasiki, kusaita chitsokotsoko nekugeza maoko nemvura ine sipo kana kushandisa sanitizer.

“Ndinofunga kuti tinofanirwa kubaiwa majekiseni ekudzivirira Covid-19 nehuwandu hwedu izvo zvinotibatsira kuti pasave nekunyuka kwechirwere ichi kechitatu kana tikasangwarira. Vanhu vavarairwa zvikuru apo vari kuona huwandu hwevari kufa pamwe nekuwanikwa vaine chirwere ichi huri kudzikira, asi havazive kuti kushaya kwavo hanya uku kunogona kutiparira zvakanyanya mumasvondo ari kutevera,” vanodaro Prof Ngwenya.

Vanoenderera mberi vachiti, “Tinoramba tichiyeuchidza veruzhinji kuti hondo yekurwisa chirwere ichi ichiriko nekudaro tinofanirwa kungwarira nekutevedzera matanho ose akatarwa kuitira njodzi yekunyuka kwedenda iri ketatu iro rinogona kukonzera kusagadzikana kwezvinhu.”

Kusvika nemusi weSvondo, vanhu 38 281 vange vawanikwa vaine hutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera chirwere cheCovid-19 mushure mekuvhenekwa muZimbabwe.

Pavarwere ava, 35 634 vakatopona asi vamwe 1 570 vakafa.

Kusvika nemusi uyu zvakare, vanhu 430 068 vange vabaiwa majekiseni enhomba yekudzivirira Covid-19 ekutanga (1st dose) apo vamwe 94 131 vange vabaiwa epiri (2nd dose).

Guta reVictoria Falls ndiro rakaita rekutanga munyika muno kuve nevanhu vakadzivirirwa Covid-19 (herd immunity) zvichitevera kubaiwa kwakaitwa chikamu chinodarika 77 percent chevanhu vemuguta iri majekiseni ekudzivirira chirwere ichi.

Kudziviririka uku kunovepo kana vanhu vakawanda vemunzvimbo vakabaiwa majekiseni anodzivirira denda iri.

Izvi zvinoita kuti kunyangwe vasina kubaiwa majekiseni aya vave vakadzivirirwa zvakare kuCovid-19.

Zimbabwe iri kubaya vanhu majekiseni aya emhando ina dzinoti Sinovac neSinopharm ose anobva kuChina, Sputnik V iri kubva kuRussia neCovaxin yekuIndia.

Huwandu hwevanhu vari kufa pamwe nekuwanikwa vaine Covid-19 munyika muno huri kuenda huchidzikira zvichitevera matanho akasimba ari kutorwa neHurumende, ichishanda nemapoka akasiyana, ekudzivirira kupararira kwedenda iri.

Zvisinei, Hurumende iri kugara ichiyambira veruzhinji kuti vasavarairwe asi kuti varambe vachitevedzera matanho ose akatarwa ekurwisa Covid-19 zvichitevera njodzi iripo yekunyuka ketatu kwedenda iri.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>