Covid yakanganisa zvekutengeserana

17 Oct, 2021 - 13:10 0 Views
Covid yakanganisa  zvekutengeserana Dr Kipyego Cheluget

Kwayedza

Oliver Kazunga

KUKOSHA kwenyaya dzekutengeserana mudunhu reCommon Market for Eastern and Southern Africa (Comesa) kwakadzikira nechikamu che11 percent kuenda paUS$9,7 bhiriyoni gore rapera nekuda kwechirwere cheCovid-19 nezvimwe zvikonzero zvakasiyana.

Gwaro rakaburitswa nekomiti inoona nezvekutengeserana yemubatanidzwa uyu yeComesa Trade and Customs Committee kumusangano wechi37 svondo rapera rinoti: “Hukoshi hwekutengeserana pakati penyika dziri muComesa hwakadzikira nechikamu che11 percent kubva pa$10,9 bhiriyoni muna2019 kuenda paUS$9,7 bhiriyoni mugore ra2020.

“Kudzikira uku kwakakonzerwa neCovid-19 nezvimwe zvinosanganisira kushaikwa kwezvekushandisa.”

Musangano uyu unounganidza nyanzvi dzezvekutengeserana kubva kunyika 21 dzinove nhengo dzeComesa apo vanozeya pamusoro pezvimhingamipinyi zvinodzosera kumashure nyaya dzekudyidzana uye nematanho anofanirwa kutorwa kusimbaradza kutengeserana.

Nyaya huru ndeyekuti nhengo dzose dzikwanise kupinda muchirongwa cheComesa Free Trade Area (FTA) izvo zvinoita kuti pave nekutengeserana nenzira yakasununguka.

Vachitaura pakuvhurwa kwemusangano uyu svondo rapera, mutevedzeri wemunyori mukuru weComesa anoona nezvekufambiswa kwezvirongwa, Dr Kipyego Cheluget, vanoti nyaya dzekutengeserana dzinogona kusimukira zvikuru kana nhengo dzikatevedza mitemo yakatenderanwa inosanganisira yekupinda nekubuda kwezvinhu munyika.

“Kana ikashandiswa nemazvo inobatsira zvakanyanya kusimbaradza nyaya dzekutengeserana, zvinoita zvakare kuti zvisatore nguva refu nekudhurirwa pakutengesera, kuvepo kwemakwikwi, mabasa anomuka uyewo zvichibatsira kusimudzira raramo yevanhu vedu,” vanodaro.

Zvisinei, Dr Cheluget vanoti kutevedzwa kwezvibvumirano zvakaitwa nemubatanidzwa uyu uye nekuti nhengo dzose dzive nechikamu chekuita zvinoda kushanda nesimba zvikuru.

Gore rapera, Comesa yakaumba mitemo ine chekuita nekudzivirira chirwere cheCovid-19 panyaya dzekutengeserana uye dandemutande rekuti nhengo dziri pasi pemubatanidzwa uyu dzikwanise kutumira mashoko pamusoro pekufambiswa kwezvinhu nezvimwe zviri nyore.

Chinangwa ndechekuti nyaya dzekutengeserana dzifambire mberi zvakanaka pasina njodzi yekupararira kwedenda iri.

Zvisinei, kushandiswa kwedandemutande iri kuchiri kwakadzikira uye izvi ndizvo zvakatuma Dr Cheluget kukurudzira nhengo dzeComesa kuti dzione kuti vemabhizimisi vari munyika dzakasiyana vashandisa mukana uyu, kwete nechinangwa chekufambisa mashoko chete, asi nekutsvaga zvakare misika mitsva.

Zvakabuda mumusangano uyu zvichasvitswa kukomiti yeIntergovernmental Committee uye Council of Ministers, pasati paitwa musangano mukuru we21st Comesa Summit nemusi wa18 Mbudzi 18, 2021.

Share This:

Sponsored Links