Covid yaondonga varimi vemombe

31 Oct, 2021 - 13:10 0 Views
Covid yaondonga  varimi vemombe

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

HURUMENDE yakabatana nemasangano ari mubhizimusi rekuchengeta mombe pamwe nekugadzirwa kwemukaka nemusi weChina kuparura chirongwa chekushandiswa kweruzivo rwechizvino-zvino rweindaneti urwo rwuchabatsira mukufambiswa kwemabasa nyore, zvikuru munguva ino apo nyika iri kurwisa Covid-19.

Dr Alban Mhindurwa, avo vanova acting director Livestock Production and Development – uye vakataura vakamirira gurukota rezveminda, kurima, hove, mvura nekusimudzirwa kwevagari vekumaruwa, Dr Anxious Masuka – vanoti chirongwa cheDairy Sector Perfomance Monitoring Database and Strategic Plan 2021-2025 chakakosha zvikuru mubudiriro yenyika.

Vanoti chine chinangwa chekuvandudza kugadzirwa kwemukaka wakawanda pamwe nekupanga mazano kuvarimi vemombe dzemukaka nemakambani anougadzira.

“Ndinopembedza vose vakashanda nesimba mukugadzirwa kwegwaro iri nekuti richabatsira kuti tizive kuti ndevapi varimi vakakodzera kuwaniswa zvekushandisa uye kuti zvinangwa zvavo zvakamira sei. Zvose izvi tichazvibura kubva muzvinyorwa zvavanenge vakaisa paindaneti kuburikidza nekushandiswa kwemidziyo yeICT semakombiyuta nenhare.

“Ndinotenda nhengo dzabva kumasangano eZimbabwe Dairy Industry Trust (ZDIT), European Union Funded TranZDVC, We Effect nebazi redu uye mamwe mapoka ari muHurumende avo vakatsigira chirongwa ichi kuti chibudirire,” vanodaro.

“Vanhu vanosvika 30 000 vari kuwaniswa mabasa muzvikamu zvekupfuya mombe uye 13 000 vari kushandawo zvisina kuti tsvetere muindasitiri iyi. Kurima zvipfuyo ndihwo hwaro hwebudiriro kuvagari vekumaruwa kuburikidza nemizinda 17 ine varimi vadiki vari mubhisimusi remukaka.” vanodaro Dr Masuka.

Vanoti Hurumende icharamba ichitsigira indasitiri yemukaka nezvekushandisa kuburikidza nechirongwa cheCommand Diary Initiative.

“Zvisinei, chikamu chemukaka chichiri kusangana nematambudziko panguva ino nyika iri kurwisa denda reCovid-19 apo vari kuwana mukaka mushoma uri wemhando yakaderera. Pamusoro pezvo, pane nhau dzekukwira kwemitengo yemukaka zvichitevera kudhura kwekuugadzira, kukundikana kuwana chikafu chemombe dzemukaka chakaringana kuti dzikure zvakanaka dzichiunzawo mukaka wakawanda.

“Pari zvino nyika iri kuwana marita emukaka anosvika 76.7 miriyoni pachinzvimbo chemarita 130 miriyoni ayo anotarisirwa kugutsa nyika yose pagore. Zvisinei, matambudziko aya tinokwanisa kuakunda kana tikashanda pamwe,” vanodaro.

Mai Tendai Marecha vanova chief diary officer (Secretariat ZDIT) mubazi rezvekurima vanoti bhizimusi rekupfuya mombe dzemukaka rinoda kushanda nesimba.

“Tinotenda sangano reEU nekutitsigira kuti tikwanise kufambisa mashoko kubva kumapurazi achienda kune veruzhinji vanobvira kuvatengi nevatengesi. Chirwere cheCovid-19 ndicho chakambokanganisa kufambiswa kwemukaka kubva kumapurazi kuenda kuzvitoro nekuvagadziri sezvo kufamba kwainetsa. Asi tinofara nekuderera kwedenda iri nekuti zvimwe zvisungo zvelockdown zvakanyevenutswa. Tava kuda kuti mukaka uwanikwe nehuwandu nekuti pari zvino uchakaderera zvikuru,” vanodaro.

Mai Marecha vanoti ongororo yakaitwa nesangano reFood and Agriculture Organisation (FAO) inoratidza kuti munyika muno munhu mumwe chete anofanirwa kuwana marita emukaka ari pakati nepakati anosvika 200 pagore asi nekuda kwekushomeka kwawo ari kuwana marita 7 nechidimbu.

Mashoko avo anotsinhirwa nemurimi wemukaka, VaErnest Muzorewa, vanova sachigaro wesangano reZimbabwe Association of Dairy Farmers (ZADF) vachiti kuuya kwechirwere cheCovid-19 kwakadzosera kumashure mabasa avo.

“Covid-19 yatikanganisa zvikuru asi tiri kuona kuti pose patinokama mukaka tinogeza maoko edu achichena uye hatiungane panzvimbo imwe chete. Kuenda kumisika nemukaka wedu ndiko kwaimboti netsei panguva yelockdown saka takanga tava kungoutengesera munharaunda tisingaendi kumisika mikuru inopa mari zhinji,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey