Covid yaonekwa muzvikoro 100

10 Dec, 2021 - 09:12 0 Views
Covid yaonekwa muzvikoro 100 VaTaungana Ndoro

Kwayedza

Sukulwenkosi Dube-Matutu

HURUMENDE iri kusimbaradza zvirongwa zvekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19 muzvikoro panguva iyo paine mashoko anoti zvikoro zvinodarika 100 munyika yose zvakatarisana nedambudziko rekunyuka kwedenda iri.

Kunyangwe zvazvo kudzidza kwakakanganiswa mune zvimwe zvikoro, kunyorwa kwebvunzo dzeZimbabwe School Examinations Council (Zimsec) kunonzi kuri kufambira mberi zvakanaka.

Mukushi wemashoko mubazi redzidzo yepuraimari nesekondari, VaTaungana Ndoro, vanoti bazi ravo riri kushanda nereutano nekurerwa kwevana kubatsira vadzidzi vari kubatwa nechirwere ichi uye nekuona kuti denda iri harikanganise madzidziro avo.

Vanoti zvikoro zvinodarika 100 kumativi ose enyika zvasangana nedambudziko reCovid-19 uye vadzidzi nevamwe vemuzvikoro vanodarika 4 000 vakatopona kubva kudenda iri.

“Zvikoro zvinodarika 100 kusvika pari zvino zvasangana nedambudziko rekunyuka kwechirwere cheCovid-19 kumativi mana enyika uye tiri kushanda nebazi rezveutano nekurerwa kwevana kugadzirisa mamiriro ezvinhu aya sezvo tiine gwara ratinofanirwa kutevedzera,” vanodaro.

VaNdoro vanoenderera mberi vachiti, “Nyaya yekunyuka kwechirwere ichi inogona kuve yakanganisa kudzidza kune zvimwe zvikoro asi haina kukanganisa kunyorwa kwebvunzo.

“Tine vadzidzi vane chitsama vakabatwa nechirwere ichi asi vari kuenderera mberi nekunyora bvunzo dzavo.

“Tine makamuri avo voga avari kunyorera bvunzo pachitevedzwa zvizere matanho ekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.

“Tinonzwisisa kuti kubatwa nechirwere ichi kunogona kukanganisa vamwe vadzidzi nekudaro vari kubatsirwa uye nekutsigirwa kuburikidza nekupangwa mazano vari muzvikoro zvavo svondo roga-roga.”

VaNdoro vanoti gore rapera, bvunzo dzakabudirira kunyorwa zvakanaka apo vamwe vadzidzi vaive vabatwa neCovid-19 vakanyora bvunzo idzi vari mumakamuri avo voga.

Nemusi weChipiri, vadzidzi 28 vari kuita Grade 7 pachikoro cheSt Christopher Primary, kuGwanda vakabatwa nedenda iri.

Vadzidzi ava vakabvumidzwa kuenderera mberi nekunyora bvunzo dzavo vari mumakamuri avo voga.

Dr Blessed Gwarimbo, vanova mukuru wezveutano (district medical officer) kuGwanda, vanoti vanhu 90 vepachikoro apa vakavhenekwa apo 28 vavo vakaonekwa vaine Covid-19.

“Takaudza chikoro ichi kuti chive nekamuri yekuti vadzidzi vari kubatwa nechirwere ichi vanyorere bvunzo dzavo,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links