‘Covid yasandura mararamiro evanhu’

30 Jul, 2021 - 17:07 0 Views
‘Covid yasandura mararamiro evanhu’ Senator Mutsvangwa

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MUNYORI wenhau weKwayedza, Muchaneta Chimuka ahwinha mubairo wekunyora nezvechirimwa chegorosi pamakwikwi eZimbabwe Agriculture Media Awards akaitwa nemusi weChishanu chino.

Nokuda kwechirwere cheCovid-19, makwikwi akaparurwa gore rapera aya, gore rino akaitirwa pamasaisai senzira yekuderedza nyaya dzekuungana kwevanhu.

Gore rapera, Chimuka akakwinha mibairo miviri  apo akanyora maringe nezvekukosha kwekurima zvirimwa zvidiki (Small Grains Sector) uye kukosha kwekushandisa michina mukurima (Best Reporter in Agriculture Equipment and Mechanisation, Irrigation).

Vachitaura, gurukota rekufambiswa kwemashoko, Senator Monica Mutsvangwa vanoti chirwere cheCovid-19 chava kuita kuti vanhu vave nemararamiro matsva.

“Ndanga ndiine shuviro yekusangana nevahwinha ndichivakorokotedza asi nekuda kwechirwere cheCovid-19, zvinhu zvose zvava kungoitwa pamasaisai uye tinozvigashira. Tinotenda Hurumende nekutsigira kwayakaita varimi nezvekushandisa pasi pechirongwa chePresidential Input Scheme nechePfumvudza, nhasi uno tinofara negoho guru.
“Ndinoramba ndichikuyambirai vatori venhau kuti musiyane nekatsika kekutambira chiokomuhomwe nekuti chinoparadza mabasa enyu,” vanodaro.

Vanoti vanofara zvikuru nekuti kubvira pakatanga chirongwa chemibairo yezvekurima iyi mugore ra2019, vatori venhau vakawanda vari kunyora nyaya dzezvekusimudzirwa kwekurima uye kuvandudzwa kwegoho richigadzira mimwe midziyo inodiwa mumisika (value addition).

Vachitaura pachiitiko ichi, VaNgoni Kudenga, avo vanova mutungamiriri wesangano reZimbabwe Agriculture Society vanoti bhizimusi rekurima rakakosha sezvo richibatsira kusimudzira upfumi hwenyika.

“Chikamu che15-18 percent chechikafu chatinowana munyika chinobva mukurima. Kuburikidza nekurima zvekare, chikamu che23 percent chemabasa akati tsvetere chinovapo pamwe nekuwanisa kudya kuvagari vekumaruwa uye chikamu che63 percent chezvinhu zvatinoshandisa mumaindasitiri zvinobva mukurima,” vanodaro.

Muchaneta Chimuka

Vanotenda chirongwa chePfumvudza/Intwasa icho chakaita kuti gore rino nyika ive negoho guru.
Mutevedzeri wegurukota rezveminda, kurima, hove, mvura nekugariswa kwevanhu kumaruwa, Cde Douglas Karoro vanoti  chikamu che67 percent chevanhu vanogara kumaruwa vanorarama nekurima zvinova zvinobatsira mukusimudzirwa kwezvirongwa zveVision 2030.

“Gore rino takawana goho guru rinosvika 2,8 metric tonnes dzechibage, 360 000 metric tonnes dzezvimwe zvirimwa zvidiki semhunga, mapfunde nezviyo. Goho guru rakanaka iri richaita kuti nyika ikwanise kuchengetedza US$300 miriyoni yataimboshandisa munguva yadarika kutenga chibage kune dzimwe nyika,” vanodaro.

Vamwe vaashandi veZimpapers vakahwinha vanosanganisira Takudzwa Chihambakwe weZTV kuchikamu chefodya, Prince Mushavevato (Beef Sector), Sydney Mubaiwa (Agriculture, Equipment , Mechanisation, Irrigation, Storage and Innovation).

Share This:

Sponsored Links