‘Covid yasandura upenyu hwevanhu’

15 Aug, 2021 - 16:08 0 Views
‘Covid yasandura upenyu hwevanhu’

Kwayedza

Abel Ndooka

MUNYORI Prosper Njeke akabura bhuku idzva rinonzi “Muri Mahedheni” iro rinotsanangura kushanduka kwaita upenyu hweveruzhinji kubva pakanyuka chirwere cheCovid-19 gore radarika.

Bhuku iri rinobata nyaya dzakasiyana kubvira pazvitendero, manamatiro ari kuita vanhu panguva yelockdown uye kushanduka kwaita upenyu hweveruzhinji izvo zvakakonzerwa neCovid-19.

Njeke akabatsirwa kunyora bhuku iri naJoseph Mayara uyo anova munyori wemabhuku ari zvakare muimbi.
Muhukuro neKwayedza, Njeke anoti Covid-19 yashandura zvikuru upenyu hweveruzhinji sezvo vaive vasina kumbotarisira kuti kuchaita chirwere chakadai.

Anoti akauya nezano rekunyora bhuku iri nechinangwa chekuburitsa pachena huipi hwedenda iri zvichitevera kurwara nekufa kuri kuita vanhu pasi rose nekuda kweCovid-19.

Kunze kwaizvozvo, anokurudzirawo veruzhinji kuti vatevedzere mararamiro matsva akaunzwa nedenda iri.

Njeke anoti mubhuku iri anoyambira zvakare veruzhinji pamusoro pekukosha kwekutevedzera matanho akatarwa ekudzivirira Covid-19.
“Kuuya kwakaita Covid-19 upenyu hwedu hwakasanduka zvikuru, hatina kumbobvira tatarisira kuti tichange tiri patiri nhasi.

“Saka takafunga kunyora bhuku iri tichiratidza kushanduka kwaita upenyu hwevanhu uye tichipa yambiro kune veruzhinji kuti vagare vachitevedzera mitemo yose yeHurumende neyeWorld Health Organization (WHO) ine chekuita nekurwisa denda iri.

“Zvakakosha kuti vanhu tirambe tichitevedzera zvatinoudzwa neHurumende yedu kuti tiite zvakafanana nekupfeka mamasiki nemazvo, kuzora sanitizer kana kugeza maoko nemvura ine sipo uye kusaungana nekuti zvose izvi zvinobatsira kuti denda iri risarambe richipararira,” anodaro Njeke.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>