Covid yatidzosera kumashure  

07 Sep, 2021 - 13:09 0 Views
Covid yatidzosera kumashure   Joseph Marawu

Kwayedza

Abel Ndooka 

MUIMBI wenziyo dzechitendero arizve nyanduri wemabhuku nenhetembo – Joseph Marawu – ochema-chema neCovid-19 iyo anoti yadzosera basa rake nerevamwe vaimbi kumashure zvikuru izvo zvakamutuma kuti anyore bhuku riri pamusoro pedenda iri.

Marawu vazhinji vanomuziva nemabhuku ake aakanyora akaita mukurumbira anosanganisira Kudenha Mambo, Tsano Kiriyoni uye Muri Muhedheni raakanyora pamwe naProsper Njeke iro rinotsanangura kukanganiswa kwaitwa hupenyu hwevanhu neCovid-19.

Anoti basa revaimbi vazhinji rakanganisika zvikuru nekuuya kweCovid-19 sezvo vasiri kuwaniswa mukana wekusangana nevatsigiri vavo kuburikidza nekuita mashoo.

“Basa redu sevaimbi vemisambo yakasiyana nderekuvaraidza veruzhinji pamwe nekuparidza shoko rehutsvene hwedenga. Asi, iye zvino basa redu raenda mudondo, hapana chiri kufamba sezvo tisiri kutenderwa kuita mashoo nekuda kweCovid-19.

“Denda iri rakanganisa zvakawanda, isu sevaimbi uye vanyori vemabhuku tinodawo kuita mashoo nekuti ndipo tinowana mari idzo dzatinozoshandisa zvekare kutsikisa dzimwe nziyo itsva nekunyora mamwe mabhuku,” anodaro.

Marawu anoti bhuku rinonzi Muri Muhendeni rinoburitsa pachena nyaya dzekushanduka kwakaita hupenyu hweveruzhinji kubva pakatanga Covid-19 uye richifumura vanhu vanotenderedza mashoko enhema pamusoro pedenda iri.

“Kune vanhu vane tsika yekutenderedza mashoko enhema pamusoro peCovid-19. Tsika iyi yakashata chaizvo nekuti kunenge kuri kuda kungokonzeresa nyonga-nyonga isina basa chete. Vanhu ngavadzidze kutaura chokwadi nekutenderedza mashoko chaiwo anovaka kwete enhema.

“Saka bhuku redu, Muri Muhendeni, rinoburitsa nyaya dzakaita seidzodzo dzevanhu vanotaura zvenhema nekutenderedza mashoko enhema panyaya dzine chekuita neCovid-19.

“Isu ngatitevedzeri zvatinoziviswa neHurumende yedu pamwe neWorld Health Organization (WHO), kwete zvevanotenderedza mashoko enhema nekuti haavake chinhu,” anadaro Marawu.

Zvakadaro, Marawu achangobva kubura kambo katsva kanonzi ‘Inyasha kuve Nashe’ ako kachange kari zvekare padambarefu rake iro anotarisira kuzoparura munaGumiguru.

Share This:

Sponsored Links