Covid yavhiringa vaimbi: Chivaviro

21 Jan, 2022 - 03:01 0 Views
Covid yavhiringa  vaimbi: Chivaviro

Kwayedza

Malven Mugadzikwa

MUIMBI ane mukurumbira munziyo dzechitendero, Reverend Dr Togarepi Chivaviro, vanoti chirwere cheCovid-19 chadzosera kumashure zvikuru budiriro yechikamu chezvemimhanzi izvo zvave kuona vachishandisa nzira dzinosanganisira dandemutande mukuzvishambadza nekudyidzana nevatsigiri.

“Kazhinji patinoburitsa dambarefu idzva, tinotenderera tichiita mashoo nekusangana nevatsigiri tichivanzwisa nziyo dzedu itsva. Asi izvi pari zvino hazvichaitika sezvo kwava nemirawo inoita kuti tisasangane nevanhu senzira yekuderedza kupararira kweCovid-19,” vanodaro.

Zvisinei, Dr Chivaviro vanoti zvakakosha kuchengetedza utano nekudaro vanokurudzira veruzhinji kuti vatevedzere zvose zvinodiwa munyaya yekuderedza kupararira kweCovid-19.

Vanoti pari zvino vari kushandisa dandemutande pakushambadza mimhanzi yavo uye nekusangana nevatsigiri.

Dr Chivaviro vanoti vaimbi neruzhinji rweZimbabwe vanofanira kusimudzira tsika nemagariro zvemunyika muno kana vari kune dzimwe nyika.

Vanotaura mashoko aya mushure mekuparura dambarefu ravo idzva rinonzi “The African Social Gospel Volume 1” iro vanoti rine donzvo rekudzoreredza mutauro wemuno munyika.

Dr Chivaviro, avo vari kugara kuUnited States of America pari zvino, vanoti kugara kwavari kuita kunyika iyi kwakavadzidzisa kuti ruzhinji rweZimbabwe nevaimbi vanofanira kutevedza tsika nemutauro wavo zvisinei nekuti vanenge vari kunze kwenyika.

“Mubasa redu iri takamboedza kuda kushandisa mutauro netsika dzekunze kuti tikwezve vatsigiri vekune dzimwe nyika. Zvisinei, takaona kuti vekune dzimwe nyika vanofarira kuti tiite nziyo dzedu nezvinhu zvedu maererano netsika dzedu.

“Nziyo dzedu padambarefu iri takadziita tiine muono uyu nekuti kuisa tsika dzevamwe takaona kuti zvinoita kuti tirasikirwe nevatsigiri kubva kunyika kwedu chero nekunze,” vanodaro Dr Chivaviro.

Vanoti padambarefu ravo iri, rinove rechi19, vakawedzera kukwenenzvera hunyanzvi munyaya yekubuda kwemazwi nezviridzwa.

Dr Chivaviro vanoti pakambofamba mashoko ekuti vave kumbomira kuita zvekuimba asi pari zvino vadzoka mundima.

“Hongu, pakambofamba mashoko ekuti ndave kumbomira kuita zvekuimba uye ndeechokwadi nekuti pane zvakanga zvakandiwandira zvinosanganisira zvekuchikoro nekufambisa shoko raMwari. Ndakaita makore maviri ndisingaimbe.

“Asi patichaita dambarefu rinotevera ndichanyanya kunangana nekusimudzira vaimbi vechidiki nekuburitsa zvipo zvevaimbi vari kusimukira,” vanodaro.

Dambarefu idzva iri, iro rakanangana nemhemberero dzezuva rekuzvarwa kwaDr Chivaviro, rine nziyo sere dzinosanganisira Happy Birthday, Chinyarara Mwoyo Wangu naGore Regore.

Share This:

Sponsored Links