Covid yavhura mimwe mikana

12 Oct, 2020 - 17:10 0 Views
Covid yavhura  mimwe mikana Dr Masuka

Kwayedza

Munyori weKwayedza

MABHINDAUKO ekupfuya huku dzekutengesa kuvarimi vari pakati nepakati asimukira zvikuru kubvira pakutanga kwegore rino izvo zvaona mhuri dzakawanda dzichiita basa iri panguva iyo Zimbabwe yakavamba chirongwa chekurwisa kupararira kweCovid-19 apo veruzhinji vaikurudzirwa kuti vagare kudzimba.

Vachitaura mushure mekumema muzinda mukuru wemazai nehuku weIrvines Zimbabwe muguta reHarare pakupera kwesvondo radarika, gurukota rezveminda, kurima, mvura, mamiriro ekunze nekugariswa kwevanhu patsva, Dr Anxious Masuka vanoti kusimukira kwechikamu chezvemazai nekupfuyiwa kwehuku kunobatsira muchirongwa chekuti munyika muve nechikafu chinokwanirana (Agriculture and Food Systems Transformation Strategy).

“Kubvira pakatanga Covid-19, vanhu vakawanda vaigara kudzimba vachiita mabhindauko akasiyana. Izvi zvakaona kupfuyiwa kwehuku dzekutengesa kuchisimukira zvikuru,” vanodaro Dr Masuka.

“Covid-19 yakaita kuti pave nemukana wekuti vanhu vemunharaunda dzakasiyana vapinde mumabhindauko aya uye tiri kuona kusimukira kwechikamu chekupfuya huku.

“Zvinotipa manyuku-nyuku uye zvinofanirwa kuramba zvakadaro,” vanodaro.

Dr Masuka vanoenderera mberi vachiti, “Zvisinei, tinofanirwa kutarisa mamiriro akaita basa iri rose. Nekuda kwaizvozvo, tiri kutarisa nyaya dzekusimudzira kugadzirwa kwechikafu chehuku kuti chibatsiridze mubasa iri. Ichi chimwe chezvinhu bazi rezvekurima richaita richishanda pamwe chete neIrvines.”

Chamangwiza weIrvines Zimbabwe, VaDavid Irvine, vanoti mabasa epakambani yavo akasimukira nechikamu che30 percent mumwedzi gumi nemiviri yadarika.

“Tinofanirwa kuzadzikisa zviri kudiwa nemusika nekukasika uye tichange tichivandudza bhizimisi redu tiine muono uyu,” vanodaro.

VaIrvine vanoti chikamu chezvekupfuya huku chiri kusimukira zvikuru uye nharaunda dzekumaruwa ndidzo dzave pamusoro pakupfuya huku.

“Remangwana remabasa ekupfuya huku rinoratidza kuve rakajeka. Tiri kuita hukwana 500 000 pasvondo idzo dziri kutorwa nevanhu vekumaruwa vari kurarama nemabhindauko aya, vachibhadhara fizi nekuzvitengera nhumbi kubva mukupfuya huku,” vanodaro.

VaIrvine vanoenderera mberi vachiti,

“Kumaruwa vari kuita matani 800 enyama yehuku kubva muhukwana dzatinovatengesera uye iri idanho guru.”

Dr Masuka vakamemazve nzvimbo inogara vashandi veIrvines yeDerbyshire pamwe chete nepanopfuyirwa huku dzemazai nedzenyama.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey