Covid yoparadza vasati vabaiwa

26 Jul, 2021 - 15:07 0 Views
Covid yoparadza vasati vabaiwa

Kwayedza

 Munyori weKwayedza

CHIKAMU chinosvika 90 percent chevanhu vafa neCovid-19 mumasvondo mashoma adarika ndecheavo vasina kubaiwa majekiseni ekudzivirira chirwere ichi.

Izvo zvinoratidza kukosha kwechirongwa chiri kuitwa neHurumende chekubaiwa kwevanhu nhomba kana kuti majekiseni ekudzivirira denda iri.

Mashoko ari mugwaro richangobva kuburitswa nenyanzvi dzezveutano anoratidza zvakare kuti chikamu che90 percent chevanhu vari muzvipatara nekuda kwechirwere ichi ndevaya vasina kubaiwa majekiseni aya.

Hurumende iri kusimbaradza chirongwa chekubaiwa kwevanhu majekiseni izvo zvaona Zimbabwe ichitambira mamwe mejekiseni anosvika 1 miriyoni emushonga weSinovac vaccine kubva kuChina nemusi wesvondo.

Gwaro richangoburitswa nenyanzvi dzezveutano rine musoro unoti, “Covid-19 Admissions and Community Deaths by Vaccination Status, Harare Zimbabwe”, rinoratidza kuti vanhu vakawanda vari kufa nechirwere ichi pachakanyuka kechitatu (third wave) kana zvichienzaniswa nepakutanga (first wave) nekepiri (third wave).

Gwaro iri rakaburwa pachishandiswa ongororo yakaitwa pavanhu 207 avo vakafa nedenda iri vaive mumochari.

“Kusvika musi wa22 Chikunguru 2021, . . . chikamu chevanhu 88,9 percent vakange vasati vabaiwa majekiseni ekudzivirira chirwere ichi, 3,4 percent vakange vabaiwa majekiseni ekutanga (1st dose) uye 4,8 percent vabaiwa majekiseni ose ari maviri apo 2,9 vange vasingazivikanwe mamiriro avo,” rinodaro gwaro iri iro rakabatanidzwa naDr Agnes Mahomva – vanova Chief Co-ordinator weCovid-19 mumahofisi emutungamiri wenyika nedare reCabinet.

Mhando yeCovid-19 inodaidzwa kuti Delta variant, iyo yakatangira kunyika yeIndia, iri kubata vana vakawanda kana zvichienzaniswa nemhando yedenda iri yekutanga.

“Chirongwa chekubaiwa kwevanhu majekiseni ekudzivirira chirwere ichi chinofanirwa kusimbaradzwa senzira yekubatsira pakudzivirira zvichibatsirana nemamwe matanho ose ekurwisa Covid-19 kuburikidza nekutengwa kwemajekiseni akawanda, kusimbaradzwa kwekubaiwa kwevanhu kunzvimbo dzakasiyana uye kuti makambani nemamwe mapoka akazvimirira ange achibatsira zvakanyanya,” vanodaro Dr Mahomva.

Mukati memazuva manomwe, kubva musi wa16 Chikunguru kusvika 22 Chikunguru, vanhu 349 948 vakabaiwa majekiseni ekudzivirira chirwere cheCovid-19 munyika yose, izvo zvinoratidza kuti vanhu vanosvika 50 000 vaibaiwa majekiseni aya pazuva rimwe.

Nyanzvi yezveutano, Dr Chido Dziva-Chikwari vanove epidemiologist vanoti zvakakosha kusimbaradza chirongwa chekubaiwa kwevanhu majekiseni uye kupa chenjedzo kune veruzhinji pamusoro pezvakanakira majekiseni iwaya.

“Kuchengetedzeka kwenyika kubva kuchirwere ichi (herd immunity) kuchiri kure chaizvo pari zvino. Vanhu vabaiwa vachiri vashoma kana zvichienzaniswa nehuwandu hwevanhu vari munyika . . . Kuburitswa kuri kuitwa huwandu hwevanhu vari kubaiwa majekiseni ekudzivirira Covid-19 kunorumbidzwa zvikuru sezvo izvi zvichibatsaira kubvisa mamwe mafungiro aivepo pakatanga chirongwa ichi.

“Kubuda pachena mukufambiswa kwechirongwa ichi kunobatsira vanhu vari kuzengurira kuti vabaiwe majekiseni. Kana huwandu hwevanhu vari kubaiwa majekiseni hukaburitswa pachena, vanhu vane mibvunzo yakasiyana vanozvionera voga uye voona zvekuita vachishandisa umbowo hunenge huripo,” vanodaro Dr Dziva-Chikwari .

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey