Covid yovhiringa varimi vemombe

08 Jun, 2021 - 13:06 0 Views

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

PANGUVA iyo varimi vemombe nembudzi dzemukaka vari kushungurudzwa nekunyuka kwakaita Covid-19 munyika muno, kambani yeNestle Zimbabwe svondo rapera yakabatana neruzhinji rwenyika mukucherechedza zuva reWorld Milk Day senzira yekupa chenjedzo maringe nekukosha kwemukaka muutano hwevanhu.

Zimbabwe ine hurongwa hwekuvandudza zvirongwa zvekugadzirwa kwemukaka munyika kuti unge uchiunza mari yakawanda.
Mai Yamurai Zhou, avo vanova mukushi wemashoko kukambani iyi, vanoti varimi vemukaka vari kusangana nematambudziko panguva ino yekurwisa Covid-19.

“Varimi vemukaka vari kusangana nematambudziko akawanda uye mazhinji acho akawedzerwa nekuuya kwechirwere cheCovid-19. Asi kuburikidza nemushandirapamwe muzvirongwa zvekushanda nevarimi vadiki, kusanganisira vekumaruwa, tinoona tichikunda,” vanodaro.
Varimi ava vanoti nguva yadarika vaikundikana kuendesa mukaka wavo kunzvimbo dzakatsaukana zvichitevera zvirongwa zvekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 (lockdown) apo veruzhinji vaikurudzirwa kuti vagare kudzimba uye vasafambe-fambe.
Mai Zhou vanoti kambani yavo inotsigira varimi vemukaka kuti vave nepfungwa yebhizimusi mubasa ravo izvo zvinoita kuti nyika ibudirire muupfumi.

“Kambani yeNestle Zimbabwe yakavamba zvirongwa zvinobatsira mukugadzirwa kwemukaka wakawanda kuburikidza nekupa matengi anotonhodza mukaka uye kucheresa zvibhorani zvinoshandisa simba remagetsi rinobva muzuva kuitira kuti varimi vavandudze mafuro avo kuburikidza nemadiridziro,” vanodaro Mai Zhou.

Vanoti vari kutsigira zvekare varimi pamachengeterwo akanaka ezvipfuyo uye kuzvichengetera chikafu chinozodyiwa munguva yechirimo apo mafuro anenge ava mashoma.

“Tiri kushanda zvekare nevarimi vadiki tichitsigira kuwanda kwemombe dzemukaka munyika nekuita mabhindauko akasiyana. Takatanga nevarimi vekuChitomborwizi uye vakatotanga kuunza mukaka mumwedzi waKurume 2016 apo vakatipa marita 4 835 emukaka. Pari zvino chirongwa ichi chiri kutiwanisa marita 30 000 emukaka pamwedzi,” vanodaro.

Zuva reMilk Day rinocherechedzwa musi wa1 Chikumi pagore nedonzvo rekusimbaradza kugadzirwa kwemukaka kwakanaka sezvo uchibatsira mukuvandudza utano hwemhuri nekusimudzira nyaya dzamabhizimusi uye kutengesa muno nekunze.
Zuva iri rakavambwa mugore ra2001 nesangano reFood and Agriculture Organization (FAO) chinangwa chiri chekufundisa veruzhinji nezvekukosha kwemukaka sekudya kwepasi rose.

Share This:

Sponsored Links