‘Curfew’ ichiriko

18 Sep, 2020 - 05:09 0 Views
‘Curfew’ ichiriko Dr Mahomva

Kwayedza

Munyori weKwayedza

MUTEMO unorambidza veruzhinji kufamba-famba kubva nenguva dza8 dzemanheru kusvika na6 dzemangwanani (curfew) sedanho reHurumende rekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 uchiriko zvisinei nekunyevetswa kwakaitwa nguva dzekuti vemabhizimisi vashande.

Nguva dzekuti vemabhizimisi nevamwe vakasiyana vashande dzakanyevenutswa kuenda pa6.30 dzemangwanani kusvika na6.30 dzemanheru apo curfew inenge isati yatanga.

Zimbabwe iri kuvhura zvikamu zveupfumi hwenyika kuti zvichitange zvakare kushanda padiki nepadiki nechinangwa chekumisa kupararira kweCovid-19.

Zvikoro zviri kuvhurwawo kuvadzidzi vachanyora bvunzo, pachitevedzwa nemazvo mitemo yakatarwa yekumisa kupararira kweCovid-19 uye vanhu vave kukwanisa kushanyira nzvimbo dzakasiyana munyika muno sezvo mabhazi anotakura veruzhinji pakati pemaguta ave kutenderwa kufamba.

Mutevedzeri wasachigaro wekomiti iri kutungamirira basa rekurwisa chirwere ichi yeAd-Hoc Inter-Ministerial Taskforce on Covid-19, Professor Amon Murwira vanoti curfew yemaawa gumi iyi ichiriko. Curfew iyi pakutanga yaimbova yemaawa gumi nemaviri.

Dr Agnes Mahomva, avo vanova mukuru anoona nezveCovid-19 mumahofisi emutungamiriri wenyika nedare reCabinet, vanosimbisisa kuti kana pari panyaya dzeutano, Zimbabwe haikwanise kunyevenutsa zvine chekuita nekuchengetedza utano sekuti vanhu vapfeke mamasiki kana vachienda panzvimbo dzeveruzhinji.

Vanoti nyika ino haisati yakunda chirwere ichi sezvo pachiri nevanhu vatsva vari kuwanikwa vaine hutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera Covid-19.

“Kana tiine vanhu vachiri kubatwa neCovid-19 zviri pachena kuti hatisati takunda chirwere ichi. Tinofanirwa kuzviyeuchidza kuti kuEurope apo huwandu hwevanhu vaive neCovid-19 hwakatanga kudzikira, vakabva vanyevenutsa matanho ekurwisa chirwere ichi, asi iye zvino huwandu uhu hwave kukwira. Nekudaro hatidi kudaro,” vanodaro Dr Mahomva.

Kusvika nemusi weChitatu, Zimbabwe yange yava nevanhu 7 598 vawanikwa vaine Covid-19 mushure mekuvhenekwa.

Pavarwere ava, 5 823 vakapona asi vamwe 224 vakafa.

Share This:

Sponsored Links