CWA yorwisa Covid-19

29 Jul, 2021 - 10:07 0 Views
CWA yorwisa Covid-19 Vanhu vachichera mvura pachibhorani.

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
SANGANO reCommunity Water Alliance (CWA) rosimbaradza chirongwa charo chekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 panzvimbo dzinocherwa mvura dzakadai sepazvibhorani mumarukisheni akasiyana muguta reHarare panguva iyo vanhu vakawanda vari kubatwa nedenda iri munyika muno.
Chirongwa ichi chiri kuitwa mumarukisheni anosanganisira Budiriro 3, Mbare neGlen View.
Svondo rino, CWA yakashanyira nzvimbo dzakadai seChimbumu kuBudiriro neUtano Kuvanhu kuGlen View uko vaifundisa veruzhinji maringe nenyaya dzeutsanana dzinosanganisira kupfekwa kwemamasiki nemazvo, kuregedza kuungana uye kuvhenekwa chirwere ichi nekukasika pamwe nekubaiwa makejeseni ekudzivirira denda iri.
VaChristopher Gohori vanova mukushi wemashoko kusangano iri vanoti chirongwa ichi chakavapo mushure mekuona kuti nyaya dzechirwere cheCovid-19 dziri kuwanda zvikuru dzichikonzerwawo nekuungana kunoita vanhu kuzvibhorani uko vanenge vari kutsvaka mvura.
“Kuzvibhorani kuri kuramba kuchiungana vanhu vachitsvaka mvura nokuda kwekuti mvura yemupombi haisi kubuda zvakanaka zvichitevera kugaroenda kwemagetsi, pakati pezvimwe zvikonzero. PaChibhumu Water Point vamwe vanoshandisa chibhorani ichi vakavhenekwa vakaonekwa vaine chirwere cheCovid-19. Saka tinotenda mabasa akaitwa nechimbi-chimbi nechikamu chezveutano mukanzuru yeHarare vakabatana neOxfam mukuyamura kwavakaita vagari vekuBudiriro 3 mudambudziko iri,” vanodaro.
VaGohori vanoti pazvibhorani vanhu vanodhaya mvura vachishandisa mubato mumwe chete nokudaro kugadzirwa kwezvibhorani zvinovhurwa sepombi dzemudzimba kunobatsira mukuderedza mikana yekutapurirana chirwere ichi.
“Chikamu chetatu chechirwere cheCovid-19 (third wave) chakaipisisa zvikuru nokudaro kuvhenekwa kuri kuitwa vanhu kuri kubatsira kuti vazive pavamire uye matanho ekutora mukuchidzivirira. Tinotenda zvikuru nekuvakirwa kwakaitwa vagari venzvimbo idzi zvibhorani zvinoshandisa  simba remagetsi iro rinobva muzuva zvinova zvava kurerutsira raramo yevanhu,” vanodaro.
VaGohori vanoti vacharamba vachibatsira vanhu vari munharaunda dzakatsaukana nezvekushandisa mukurwisa chirwere cheCovid-19 zvakadai semamasiki nemasanitizer pamwe nekukusha ruzivo.
“SeCWA, tinoramba tichikurudzira vatsigiri vedu kuti varambe vachitenga zvekushandisa mukurwisa chirwere cheCovid-19 izvo tinozoendesa kutsori dzepazvibhorani (Water Point Commitees) nekukomekedza vari kuchikamu chezveutano kumakanzuru kuti varambe vachisimudzira nyaya dzeutano nekuonawo kuti marara atakurwa. Takatsigira zvekare vagari vekuMbare nezvekushandisa nekuvafundisa kuti varambe vchitevedza mitemo yeWorld Health Organization Covid-19 mushure mekuona kuti nyaya dzechirwere cheCovid-19 dziri kuramba dzichiwanda,” vanodaro VaGohori.
Vanoti vakaumba mapoka emunharaunda (Community Health Clubs) ayo achange achishanda nevekuchikamu chezveutano kukanzuru yeHarare pamwe nemaEnvironmental Health Technicians mukuona kuti nzaya dzeutano dzafambiswa zvakanaka munharaunda, zvikuru sei mukurwisa chirwere cheCovid-19.
“Chirongwa ichi cheCovid-19 Doof Supply Chain Project  chiri kutsigirwa nesangano reOxfam uye United Nations Development Programme apo dzimwe nzvimbo dzakadai semisika wekuMbare dzakagadzirwa zvakanaka uye madzimai ava nehomwe yavo yekuunganidza mari   zvinoita kuti vabatsirikane munguva ino yeCovid-19,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey