Uncategorized

Cyclone — ‘hatisati tamboona zvakadai’…‘Nemhuri yangu takapotsa tafa’

05 Apr, 2019 - 00:04 0 Views
Cyclone — ‘hatisati  tamboona zvakadai’…‘Nemhuri yangu takapotsa tafa’ Sekuru Dzerendende Moyo vakamira padivi pemba yavo yakawondomoka nekuda kwemafashamu apo dzimwe hama dzavo dzakatarisa

Kwayedza

Milcah Nhakura anga ari kuBIKITA
MHURI yekuBikita, kuMasvingo, inoti yakapona neburi yetsono munjodzi yemafashamu emvura yaive nedutumupengo iyo yakaitika nguva pfupi yadarika zvichitevera kuparadzwa kwakaitwa musha wavo.

Vachitaura neKwayedza svondo rapera, Sekuru Dzerendende Moyo (87) — avo vanogara mubhuku raMandiki — vanoti vanotenda Mwari kuti ivo nemudzimai wavo Mbuya Veronica Manunure (82), pamwe chete nevanasikana vavo vaviri nemuzukuru vakapona mumafashamu akakonzerwa neCyclone Idai.

“Mvura yakanaya yatisina kumbobvira taona kubvira tichizvarwa, yainge yakawandisa. Tainge takarara nemudzimai wangu husiku apo mvura iyi yakanaya. Pandakadongorera kuti ndione zvaiitika panze, ndipo pandakaona denga remba yangu richiwondomoka richiwira mukati. Imba yakadhirika tirimo apo takazotizamo tichienda panze navadzimai. Vana nemuzukuru vainge vari mune imwe imba yekubikira,” vanodaro Sekuru Moyo chiso chavo chapaputirwa nekusuwa.

Vanoenderera mberi: “Zvakandishamisa manairo aiita mvura iyo yaive nemhepo yakanyanya. Zuva rakange radarika racho kwakange kwaswera kuchinaya mvura isina kuwanda seyatakajaira.

“Isu kuno kumaruzevha hatina kuwana ruzivo rwakakwana, dai takaudzwa kuti ndizvo zvaizoitika tingadai takagara tagadzirira.”

Vanoti iye zvino vave kurara mumba mumwe chete nemuzukuru wavo uye vana vavo vakavakumbirira kuti vapote vachinorara kumuvakidzani wavo zvichitevera kuparadzwa kwakaitwa dzimba dzavo.

“Iye zvino tave kugara mukicheni medu. Ndiyo yoga yakasara saka tiri kurara imomo nemudzimai wangu nemuzukuru. Vana vedu vari kunorara kuvavakidzani uko takakumbira nekuti hazvizoite kuti ini baba ndirare nevana muimba imwe chete.”

Sekuru Moyo vanotizve; “Zvinhu zvedu zvose zvangove mukicheni, apa ndimozve matove mubhedhuru. Tinoda rubatsiro rwekuti tiwane dzimba itsva uye dzakasimba.”

VekwaMoyo imwe yemhuri dzinosvika 3 412 dzekuBikita dzakawirwa nedambudziko remafashamu eCyclone Idai.

Vakafanobata chigaro chaDistrict Administrator uye vari zvakare sachigaro weCivil Protection Unit kuBikita, VaInnocent Matingwina, vanoti vanhu vakawirwa nenjodzi iyi vari kubatsirwa nezvakasiyana-siyana.Vanoti chikafu ndicho chiri kunyanya kuuya asi vanoshuvira kuti vawaniswewo zvekuvakisa dzimba nezvimwe.

“Rubatsiro rwuri kuuya hatinganyepi, tinofara chaizvo nerutsigiro rwatiri kuwana. Makambani akawanda ari kubatsira. Asi chatinonyanyokumbira ndezvekuvakisa tikwanise kuvakira vakaputsirwa dzimba dzavo avo vanodarika 3 000. Asi hatingaudze munhu anoda kubatsira kuti toda ichi neichi,” vanodaro VaMatingwina.

Sangano reAdam Molai Foundation rimwe revakabatsira vanhu vakawirwa nemafashamu kuBikita. Muzvare Nomagugu Matibiri vekusangano iri vanoti vacharamba vachishanda nemamwe mapoka mukubatsira vanhu vekuMasvingo nekuManicaland.

“Isu sesangano, tinokoshesa zvizvarwa zvemuno uye tichashanda nevamwe mukubatsira vanhu vakasangana nemafashamu aya.

“Iri harisi dambudziko revakasangana nemafashamu chete, asi nderedu tose senyika,” vanodaro Muzvare Matibiri.

Share This:

Sponsored Links