Kwayedza

Cyclone Idai: Veruzhinji votaura

Precious Mukwesha

Muchaneta Chimuka
VERUZHINJI vanoti vane hurombo zvikuru zvichitevera kurasikirwa kwakaitwa vamwe vanhu neupenyu nekuda kwemafashamu emvura ine dutu guru uye vari kukurudzira vane tsiye nyoro kuti vabatsire avo vari kuda ruyamuro rwechimbi-chimbi.

Oline Mashava (20) wekuMarondera anoti achangodzokawo kuSouth Africa mushure mekunge abva munyika muno makore mana adarika nokudaro anorwadziwa kwazvo nezvakaitika izvo.

“Zvinorwadza kurasikirwa neupenyu hwevanhu vakawanda kudai nekuti mafashamu aya chinhu chinonetsa kunzvenga sezvo vanhu vachingoerekana vave pakati pawo. Hongu, vanhu vakatumirwa nyevero yekuti zvichaitika asika nekunetsa kwemasai-sai, vazhinji – zvikuru sei kumaruwa – zvakatongoitika vasingazive. Ndinovimba kuti kudai vakaziviswa vangadai vakakurumidza kubva panzvimbo uye zvikoro zviri munzvimbo iyi zvingadai zvakatovhariswa,” anodaro.

VaGivemore Matanhire (45) vekuChitungwiza vanoti vanhu vanogona kudaro vaiziva kuti mafashamu ari kuuya asi kwekutizira ndiko kwavaisaziva uye vaitodawo rubatsiro rwekuti vange vachikwanisa kutakura zvinhu zvavo.

Givemore Matanhire

“Zvinonetsa kuti munhu angosimuka pamusha nemhuri achisiya pfuma yake semombe, mbudzi nezvimwe,” vanodaro.

Mashoko avo anotsinhirwa naChristine Gwendwa (33) achiti vamwe vanhu vanogona kudaro vakakoshesa kuti havangasiye pfuma nemidziyo yavo zvikazoita kuti varasikirwe neupenyu.

Christine Gwendwa

“Upenyu hunokosha uye haudzokororwi asi unogona kuona kuti kune vamwe vanhu vakaramba vari pamisha yavo panzvimbo yekufanotiza vachienda kwakakwirira,” anodaro.

Precious Mukwesha (34) wekuDomboshava anoti mune remangwana, Hurumende nemasangano akazvimiririra vanofanira kugara vakagadzirira zvakasimba njodzi dzerudzi urwu.

Kuchiti Bertha Chiveso (27) wekuHatcliffe, muHarare anoti zvakakosha kuti vanhu vakawirwa nenjodzi ava vabatsirwe neveruzhinji nezvishoma zvavainazvo.