Cyclone: Seed Co yakapa hupfu, rori

05 Apr, 2019 - 00:04 0 Views

Kwayedza

Abel Ndooka
KAMBANI huru munyaya dzekuuchika nekutengesa mbeu muZimbabwe, yeSeed Co, nemusi weChipiri svondo rino yakapa rubatsiro rwematani 30 ehupfu kuvanhu vakawirwa nenjodzi yemafashamu emvura kudunhu reChikomba.

Izvi zvinotevera rumwe rubatsiro rwekambani iyi apo yakapa matani 30 ehupfu zvakare kuvanhu vakasangana nenjodzi imwe chete iyi kuManicaland svondo radarika.

Vachitaura pachiitiko ichi paChikomba Rural District Council, kuChivhu, Seed Regional Managing Director – VaDenias Zaranyika – mumashoko avakaverengerwa nemukushi wekambani iyi, Muzvare Majorie Mutemererwa, vanoti dambudziko rakawira vanhu vakasangana nemafashamu eCyclone Idai nderenyika yose.

“Mazuva adarika ange achirwadza nyika yose uye dunhu rose. Sevanhu, takasangana nedambudziko iri pamwe chete, zvinorwadza kufunga kuti taive nedzimwe mhuri nezuro asi nhasi hatisisina, dzakatorwa nemafashamu.

“Isu seSeed Co, tauya sekambani kuti tibatane nenyika yose yeZimbabwe mukurwisa dambudziko iri. Tiripo kubatsira nepatinokwanisa hama dzedu, vakoma nehanzvadzi dzedu dzakawirwa nedambudziko iri, vamwe vakarasikirwa neupenyu uye vamwe nezvinhu zvavo.

“Vose vakasangana nedambudziko iri havafanirwe kurirwisa voga asi torwisa tose tichivabatsira,” vanodaro VaZaranyika.

Kunze kwerubatsiro rwehupfu, Seed Co yakapa zvakare rori richafamba richienda kwose kunodiwa kuendeswa hupfu uhu kumawadhi ose ari 16 emuChikomba.

“Tinoziva chaizvo kuti mazuva ano mafuta emota ari kunetsa zvikuru. Saka hupfu hwatakupai uhu, tiri kukupai nerori nemutyairi waro kuti akubatsirei kuendesa kwese kunodiwa kuendeswa hupfu uhu.

“Kana paine zvimwe zvamunenge muchida, musatye kuuya kuzotizivisa, mahofisi edu ariko kuzokubatsirai,” vanodaro VaZaranyika.

District Administrator veChikomba, VaMichael Mariga, vanotenda Seed Co nerubatsiro urwu.

VaMariga vanoti muChikomba mhuri dzinodarika 620 dzakakasangana nedambudziko remafashamu aya apowo 118 iye zvino hadzina pekugara.

Mudunhu iri, mazambuko manomwe nemimwe migwagwa zvakaparadzwa neCyclone Idai.

“Zvakaoma zvatakaona mudistrict medu asi tinotenda zvikuru veSeed Co nemamwe makambani ari kutibatsira.

“Chikumbiro chedu chavepo ndechekuti tave kukumbira zvekuvakira vose vakaparadzirwa dzimba dzavo nemafashamu aya,” vanodaro VaMariga.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey