‘Daddy ndimi Makabhinya Mwana wedu’

26 Apr, 2019 - 00:04 0 Views
‘Daddy ndimi Makabhinya Mwana wedu’

Kwayedza

‘. . . mukashandisa juju kuvhara mhosva’

Milcah Nhakura
MUDZIMAI wemuHarare — wekunzi haabvire nekuenda kumaraini achifamba kunge “akamedza kabhasikoro” — akazofumura murume wake mudare achiti akashandisa mushonga kuti apunyuke mhosva yaaipomerwa yekubata mwanasikana wavo chibharo.

Izvi zvakabuda mudare reHarare Civil Court mushure mekunge mudzimai watichangoti Emma amhan’arirwa nemurume wake, uyowo watichangodoma zita rake saIno kuitira kuchengetedza mwana anonzi akashungurudzwa – achiti ari kumushaisa rugare.

Ino anoti mudzimai wake anomurova, kumutuka nekunyima vana chikafu.

“Changamire, ndinoda kuti mukadzi wangu amire kundirova, kundituka nekunyima vana chikafu. Anoshungurudza vana vangu nemukadzi wangu wekutanga. Anovanyima zvokudya nekuvavharira panze achivarambidza kupinda mumba,” anodaro.

Ino anoenderera mberi achiti, “Mudzimai wangu anofamba kunge akamedza kabhasikoro, kumaraini haabve. Chikumbiro changu kudare ndechekuti azosiye makii kana achinge ava kubuda pamba uyezve ngaasiye kamwana kangu kadiki nekuti handidi mwana anoswera ari kumakuhwa, anozokura asingatereri.”

Emma anopokana nemurume wake achiti ari kuedza kuvharidzira nyaya dzake nekukumbira gwaro redzviriro.

Anoti murume wake ari kuramba kuti mwanasikana wavo wekutanga adzoke kumba kubva kusangano riri kumuchengeta reChildline uko kwaari kugara kubvira zvaakamubata chibharo.

“Pamusoroi dare, zvose zvataurwa nemurume wangu ndezvekunyepa. Ndinofunga kuti azviita kuvharidzira mhosva dzake dzaakapara. Akabata mwanasikana wedu wekutanga chibharo akanzi kumatare haana mhosva mushure mekunge aenda kumatare kwemwedzi miviri.

“Kufunga kwangu baba ava vakashandisa mishonga nekuti zvechokwadi vakabata mwana wedu chibharo.

“Pari zvino vakati mwana havachadi kumuona zvakare pamba, havatozive kwaari kugara. Mwana anotogara kuChildline,” anodaro mudzimai uyu.

Mutongi Noah Gwatidzo akapa Ino gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links