Dai nhabvu yachidzoka: Mugadza

21 Aug, 2020 - 00:08 0 Views
Dai nhabvu yachidzoka: Mugadza Rosemary Mugadza

Kwayedza

Abel Ndooka
MURAIRIDZI weHarare City Queens neMighty Warriors Under-20, Rosemary Mugadza, anoti asuwa zvikuru kurairidza mutambo wenhabvu yevanhukadzi zvichitevera kumiswa kwakaitwa mitambo yose senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Muhurukuro neKwayedza, Mugadza anoti chishuwo chake ndechekuti kudai mariro ezvinhu adzikama maringe nechirwere ichi kuitira kuti mitambo ichitanga kuitwa zvakare.

“Zvinhu zvese zvakamira panguva ino uye isu tiri mune zvemitambo tiri kuchema kunyanya nekuti mutambo uyu ndiwo unotiraramisa hupenyu hwedu.

“Zvese takungozvisiira mumaoko aMwari nekuti ndivo vane mhinduro yezvinhu zvese uye vachatitungamira muhupenyu hwedu kusvika takunda chirwere ichi.  Tave kuda kudzokera kuhupenyu hwedu hwekare hwatange tajaira,” anodaro Mugadza.

Mugadza, uyo anozivikanwa nekumbotambira zvikwata zvakaita seZimbabwe Saints Ladies neHighlanders Royals, anoti ari kupota achitarisa vatambi vezvikwata zvake zviviri — Mighty Warriors U20 neHarare City Queens — achida kuziva kuti vari kugara sei uye kuti vari kumboitawo here gadziriro vega kudzimba dzavo.

Anoti vatambi vechidiki vechisikana venhabvu vakasiyana nevakomana nekuti kana vari kudzimba kuita gadziriro kunonetsa sezvo vanenge vave kumboita mabasa epamba.

“Vasikana kana vave kudzimba kuita gadziriro kwacho kunonetsa nekuti vanenge vakumboita mabasa epamba vachinzi zvenhabvu izvo imbosiyana nazvo tozozviona kana yatanga.  Manje mutambi wenhabvu haadi izvozvo anofanirwa kugara achigadzirira nguva nenguva.

“Saka tinenge tichikurukura navo paWhatsApp tichivaudza zvekuti vaite vari kudzimba kwavo kana vapedza havo kuita mabasa epamba,” anodaro.

Chikwata chemaMighty Warriors U20 change chichifanirwa kurwira tikiti rekuenda kumakwikwi eWorld Cup kuCosta Rica gore rinotevera asi mitambo iyi yakambomiswa nesangano reCAF nekuda kwechirwere cheCovid-19.

 

Share This:

Sponsored Links