‘Dai zvikoro zvachivhurwa’

01 Mar, 2021 - 15:03 0 Views
‘Dai zvikoro zvachivhurwa’ Walter Chikanya

Kwayedza

Abel Ndooka

SANGANO rinoita tsvakurudzo yezveutano rweveruzhinji, reZimbabwe Community Health Intervention Research, rinoti kuvhurwa kwezvikoro kuchabatsira zvikuru vana nevamwe vadzidzi avo vange vave nenguva yakareba vachishungurudzwa kudzimba nenzira dzakasiyana zvichitevera kuvharwa kwakaitwa zvikoro nekuda kwechirwere cheCovid-19.

Hurumende yakazivisa svondo rino kuti gadziriro dzekuvhurwa kwezvikoro dzave padanho repamusoro.

Izvi zvinotevera kudzikira kuri kuita huwandu hwevanhu vari kuwanikwa vaine chirwere cheCovid-19 nevari kufa nedenda iri nyika yose.

Pari zvino bazi redzidzo yepuraimari nesekondari riri kushanda pamwe chete nereutano nekurerwa kwevana nechinangwa chekuona kuti matanho akakodzera atorwa kuitira kudzivirira kupararira kweCovid-19 panozovhurwa zvikoro.

VaWalter Chikanya, avo vanova mukuru wesangano iri, vanoti nyaya dzekushungurudzwa kwevana nevanhu vakuru dziri kuwanda munguva ino apo veruzhinji vakagara kudzimba.

Vanoti vamwe vana vari kushungurudzwa nevabereki vavo kana nehama dzepedyo.

“Vamwe vanhu vange vasina kujaira kugara vose kwenguva refu asi zvakazotanga nekuda kweCovid-19 izvo zvaona nyaya dzemhirizhonga uye kushungurudzwa kwevana kuchiwanda mudzimba izvo zvinosuwisa.

“Mudzimba zhinji hamusisina rugare uye izvi zvave kuona nevana vachishungurudzwa. Saka isu tinoona sekuti kuvhurwa kwezvikoro kuchabatsira kuti kushungurudzwa kwevana kuderere sezvo vanenge vave kuswera vari kuchikoro.

“Kuchikoro kwakanaka nekuti vana vanodzidziswa nekupihwa chenjedzo pamusoro pekushungurudzwa izvo zvatinoona zvichibatsira zvikuru muupenyu hwavo,” vanodaro VaChikanya.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>