Dambudziko rehwiza rorwiswa

24 Sep, 2020 - 09:09 0 Views
Dambudziko rehwiza rorwiswa Hwiza dzemhando yeAfrican Migratory Locust dzinonzi dziri kutambudza varimi vari munyika dzinosanganisira Zimbabwe, Botswana, Namibia neZambia.

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

KUNNYUKA kwehwiza dzinofamba nyika nenyika dzinozivikanwa nekunzi African Migratory Locust kunonzi kwava kukanganisa kuchengetedzwa kwechikafu uye raramo yezviuru nezviuru zvevanhu munyika dziri mudunhu reSadc nekudaro sangano reFood and Agriculture Organisation rinokurudzira kuti patorwe matanho echimbi-chimbi ekupedza dambudziko iri.

Hwiza idzi dziri kutambudza varimi vari munyika dzinosanganisira Zimbabwe, Botswana, Namibia neZambia.

Vanhu vanosvika 7 miriyoni vari munyika ina idzi vanonzi vachiri kuedza kuti vapunyuke kubva munzara yegore ra2019 uye kusamira zvakanaka kweupfumi zvichikonzerwa nechirwere cheCovid-19 zvinova zviri kuwedzera kushomeka kwechikafu.

FAO iri kushanda nenyika dziri mudunhu reSadc pamwe nesangano rinorwisa hwiza idzi reThe International Red Locust Control Organization for Central and Southern Africa (IRLCO-CSA) mukutsigira nyika dzine dambudziko iri.

“Zvisinei nekuti kune matanho ari kutorwa mukurwisa dambudziko iri, hwiza idzi dziri kuramba dzichidya zvirimwa zvakadai sechibage, mapfunde, zviyo, miti nezvimwe. Dzimwe nzvimbo dziri kunyanya kutambudzwa nehwidza idzi dzinonetsa kusvika nokudaro nyika idzi dzinoda kutsigirwa neSadc uye vamwe vatsigiri vakadai seIRLCO-CSA kuti dzikwanise kuparadzwa chikafu chichengetedzwe,” vanodaro VaPatrice Tal vanova FAO Sub-regional Coordinator weSouthern Africa.

Hwiza idzi dzinonzi dzinokwanisa kuparadza goho guru nenguva diki-diki.

Chikwata chimwe chete chehwiza idzi chinonzi zvakare chinogona kunge chiine huwandu hunosvika 10 miriyoni uye dzinodya chikafu chinodyiwa nevanhu 2 500 pazuva.

KuBotswana, varimi vadiki vanonzi vakarasikirwa negoho ravo rese nekuda kwehwiza idzi.

“Panguva iyo mwaka wekurima wave kuswedera, hwiza idzi idambudziko guru zvikuru kuPandamatenga Region inova nzvimbo ine mukurumbira wekurimwa kwemapfunde uye kana matanho ekudzivirirwa hwiza idzi akasatorwa nekukasika varimi vanorasikirwa zvekare,” vanodaro VaTal .

KuNamibia, kunyuka kwehwiza idzo dzakatangira murwizi Zambezi kwava kuona dzichitekeshera kune dzimwe nyika dzinosanganisira Zambia uye dziri kukanganisa zvekare mafuro nezvirimwa.

MuZimbabwe, hwiza idzi dzakawanda munzvimbo yeChiredzi uye dzimwe dzakatobhururuka dzichienda kudunhu reManicaland.

“Hwiza idzi dziri kuparadza zvirimwa uye zvichitutsirwa nedambudziko rechirwere cheCovid-19 nemafashamu eCyclone Idai ayo akanganisa goho mumwaka wadarika. Varimi vanogona kurasikirwa zvakanyanya mwaka uno,” vanodaro VaTal.

Zvakadaro, sangano reFAO rakaparura chirongwa chekurwisa dambudziko rehwiza idzi che Southern Africa Emergency Locust Response and Preparedness Project.

Chirongwa ichi chichaona zvakare pachiitwa ongororo munzvimbo dziri kunyanya kutambudzwa nehwiza idzi uye  pachiwaniswa mashoko echenjedzo kuvarimi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>